Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Mashanu Obatwa neCoronavirus


Munyori mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko VaNick Mangwana vanyora padandemutande ravo reTwitter kuti pane mapurisa mashanu akabatwa nechirwere cheCovid19 nemusi weMuvhuro. VaMangwana havana kutaura kuti mapurisa aya akatapurirwa chirwere ichi sei.

Asi nyanzvi munyaya dzezvehutano vachiita zvidzidzo zvepamusoro kuBritain, Dr Edgar Munatsi vakaudza Studio 7 kuti kubatwa kwemapurisa aya nechirwere ichi hakusi kuvashamisa nekuti vanofamba vari mumarori vasingatevedzere mitemo yekuti vasatapurirwe chirwere ichi.

Hurukuro naDr Edgar Munatsi
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, bazi rezvehutano rinoti huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere checoronavirus munyika hwakwira kusvika pamazana mashanu nemakumo mapfumbamwe nemumwe kana kuti 591.

Izvi zvinotevera kubatwa nechirwere ichi kwevamwe vanhu gumi nevanomwe nezuro. Pavanhu ava pane gumi nevatatu vakabva kuSouth Africa, vatatu vakatapurirwa munyika uye mumwe chete kubva kuBotswana. Vanhu vapora kubva kuchirwere ichi vanosvika zana nemakumi matanhatu nevaviri kana kuti 162. Vanhu vafa vachiri vanomwe.

Kuwedzera kwehuwandu hwevanhu vabatwa nechirwere ichi huri kuuya apo vashandi vemuzvipatara vakawanda kusanganisira vanachiremba nevakoti vari kuramwa mabasa vachiti havasi kufara nemari dzavari kutambira. Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvehutano Doctor Obadiah Moyo sesvo vasati vapindura mashoko atakavatumira nezvenyaya yekuramwa Mabasa kwevashandi vehurumende.

Mumashoko kuvashandi vose vehurumende, gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube vakati vainge vawedzera vashandi mari zvakapetwa zvikamu makumi mashanu kubva muzana uye kuti vaizovapa mamwe madhora manomwe nemashanu ekubatsirikana.

Zvichakadaro, mashoko atumirwa Studio 7 neAfrican Union achibva kuAfrica Centers for Disease Control and Prevention anoratidza kuti vanhu vanodarika zviuru mazana matatu nemakumi manomwe nevatatu kana kuti 383,000 vabatwa nechirwere checoronavirus muAfrica.

Vashaya vadarika zviuru zvipfumbamwe nemazana matanhatu nemakumi mapfumbamwe nemumwe kana kuti 9,691. Vapora vanodarika zviuru zana nemakumi masere nevatatu kana kuti 183,000. Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere checoronavirus pasi rose hwadarika mamiriyoni gumi nezviuru mazana matatu kana kuti 10,3 million.

Johns Hopkins University yemuAmerica iyo iri kuongorora kupararira kwechirwere ichi pasi rose inoti muAmerica ndimo mune vanhu vakawandisa vabatwa nekufa nechirwere ichi ichiteverwa neBrazil.

Vanhu vafa muAmerica vadarika zviuru zana nemakumi maviri nemanomwe kana kuti 127, 000, vabatwa nechirwere ichi muAmerica vachidarika mamiriyoni maviri nezviuru mazana matanhatu, 2,6 million. Pasi rose vanhu vafa nechirwere ichi vadarika zviuru mazana mashanu nemasere kana kuti 508,000.
Vapora vachidarika mamiriyoni mashanu nezviuru mazana maviri kana kuti 5,2 million.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG