Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vakawanda Vobatwa neChirwere cheCovid-19 Uko Bvunzo dze "O" Level ne"A" Level Dzonzi Dzinyorwere Gore Rinouya


Bazi rezvehutano rinoti huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere checoronavirus munyika hwakakwirazve zvakanyanya kusvika pachiuru chimwe chete nemazana matanhatu ane gumi nemumwe chete kana kuti 1, 611 mushure mekunge vamwe vanhu zana nemakumi matatu nevatatu kana kuti 133 vabatwa nechirwere ichi nezuro.

Pavanhu ava zana negumi nevanhatu kana kuti 116 vakatapurirwa chirwere ichi munyika vamwe gumi nevanomwe vakabva kuSouth Africa.

Vanhu vapora kubva kuchirwere ichi vakawedzera nemakumi matatu kusvika pamazana manomwe nemakumi manomwe nevaviri kana kuti 472. Vafa vachiri makumi maviri nevashanu.

Vanhu vavhenekwa chirwere ichi vanodarika zviuru zana kana kuti 100 000. Nyaya yedkuwedzera kwehuwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere ichi yave kupa kuti dzidzo munyika idzokerewo kumashure.

Nekukwira kuri kuita vanhu vabatwa nechirwere ichi, sachigaro weZIMSEC Muzvinafundo Eddie Mwenje vakazivisa bepanhau reSunday Mail kuti bvunzo idzi dzinogona kunyorwa gore rinouya vana vanyatsopedza zvidzidzo zvavo.

Mutungamiri wesangano revarairidzi reZIMTA VaRichard Gundani vanoti sangano ravo rinotambira hurongwa hwekuti bvunzo dzeO Level ne A Level dzirege kunyorwa gore rino nekuda kwechirwere checoronavirus.

Zvichakadaro, mashoko atumirwa studio 7 neAfrican Union achibva kuAfrica Centers for Disease Control and Prevention anoratidza kuti vanhu vanodarika zviuru mazana manomwe nemaviri kana kuti 702, 000 vabatwa nechirwere checoronavirus muAfrica.

Vanhu vafa vanosvika zviuru gumi nezvina zvine mazana mapfumbamwe ane makumi mashanu nematanhatu kana kuti 14, 956.

Vapora vadarika zviuru mazana matatu zvine makumi matanhatu nemanomwe kana kuti 367, 000. South Africa ine vanhu vanodarika zviuru mazana matatu zvine makumi mashanu kana kuti 350, 000 ndiyo ine vanhu vakawandisa vabatwa nechirwere ichi muafrica.

Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere checoronavirus pasi rose hwadarika mamiriyoni gumi nezvina ane zviuru mazana matatu kana kuti 14,3 million.

Johns Hopkins University yemuAmerica iyo iri kuongorora kupararira kwechirwere ichi pasi rose inoti muamerica ndimo mune vanhu vakawandisa vabatwa nekufa nechirwere ichi ichiteverwa neBrazil.

Vanhu vafa muamerica vadarika zviuru zana zvine makumi mana kana kuti 140, 000. Pasi rose vanhu vafa nechirwere ichi vadarika zviuru mazana matanhatu nematatu kana kuti 603,000. Vapora vachidarika mamiriyoni masere kana kuti 8 million.

Hurukuro naVaRichard Gundani
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG