Accessibility links

Breaking News

Mumwe Murume Ofa neCoronavirus kuBulawayo


Huwandu hwevanhu vafa nechirwere checoronavirus munyika hwakwira kusvika pavanomwe mushure mekunge mumwe murume ane makore makumi mana nemapfumbamwe ashaya kuBulawayo.

Murume uyu anonzi ainge aine chimwewo chirwere chisina kuziviswa. Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere ichi hwakwirawo kusvika pamazana mashanu nemakumi manomwe nemana kana kuti 574 mushure mekunge vamwe vanhu vanomwe vabatwa nechirwere ichi.

Vanhu ava vanosanganisira vana vakachitapurirwa munyika uye mumwe akabva kuBotswana nemumwe akabva kuSouth Africa. Vanhu vapora vawedzerawo kusvika pazana nemakumi mashanu nevaviri kana kuti 152.

M​ukuru weCommunity Working Group on Health VaItai Rusike vanoti zvakakosha kuti hurumende irambe ichivheneka vanhu kuchirwere ichi uye kuonawo kuti vanhu havapoye nekumabhodha.

Hurukuro naVaItai Rusike
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, mashoko atumirwa Studio 7 neAfrican Union achibva kuAfrica Centers for Disease Control and Prevention anoratidza kuti vanhu vanodarika zviuru mazana matatu nemakumi masere nemaviri kana kuti 382,000 vabatwa nechirwere checoronavirus muAfrica. Vashaya vadarika zviuru zvipfumbamwe nemazana matanhatu nemakumi mashanu nemanomwe kana kuti 9,657.

Vapora vanodarika zviuru zana nemakumi masere nemaviri kana kuti 182,000. Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere checoronavirus pasi rose hwadarika mamiriyoni gumi kana kuti 10 million.

Johns Hopkins University yemuAmerica iyo iri kuongorora kupararira kwechirwere ichi pasi rose inoti muAmerica ndimo mune vanhu vakawandisa vabatwa nekufa nechirwere ichi ichiteverwa neBrazil.

Vanhu vafa muAmerica vadarika kusvika zviuru zana nemakumi maviri nemashanu kana kuti 125, 000, vabatwa nechirwere ichi vachidarika mamiriyoni maviri nezviuru mazana mashanu, 2,5 million.

Pasi rose vanhu vafa nechirwere ichi vadarika zviuru mazana mashanu kana kuti 500,000. Vapora vachidarika mamiriyoni mashanu kana kuti 5 million.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG