Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vokurudzirwa Kudzinga Vamwe Vari Kupomerwa Mhosva dzeHuori Kwete VaObadiah Moyo Chete


Vaimbova gurukota rezvehutano VaObadiah Moyo
Vaimbova gurukota rezvehutano VaObadiah Moyo

Zvichitevera kugunun’una kwakanyanya munyika nekunze nenyaya yehuori muhurumende, mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagawa, vakazomanikidzwa kudzinga basa gurukota rezvehutano, VaObadiah Moyo, avo vari kupomerwa mhosva yehuori pakutengwa kwezvikwanisiro zvekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.

VaMoyo vari kutarisirwa kumiswa pamberi pedare musi wa31 Chikunguru uye vakabatwa nemhosva iyi vanogona kukandwa mujeri kwemakore gumi nemashanu kana kubhadariswa mari.

VaMoyo vanonzi vakaita chikiribidi kupa kambani yeDrax Global basa rekutenga zvikwanisiro izvi nemari yaidhura uye kambani yacho isina nhoroondo yakati tsvikiti.

Izvi zvakaburitswa nevatori venhau vakawanda munyika kusanganisira veZimLive, Zimpost uye mutori wenhau Hopewell Chin’ono.

Kunyange hazvo hurumende neZanu-PF vakamboyedza kutyisidzira vatori venhau ava, nyaya iyi yakagumawo yasvika kusangano remapurisa repasi rose reInterpol riri kuferefeta kufambiswa kwemari yekubhadharwa kwekambani iyi nehurumende zvinonzi hazvina kujeka.

Mwanakomana waVaMnangagwa, Collins, anonzi akabatwa mumambure enyaya iyi.

Asi mutsamba kuvatori venhau Collins akati ari kuzorwa mafute enguruve yaasina kudya.

Vanokokera mabasa kuchamhembwe kweAfrica musangano re Anti-Corruption Trust of Southern Africa, VaAlois Chaumba, vanoti vanhu vakawanda muhurumende vanofanira kusungwa nenyaya iyi sezvo VaMoyo vasirivo voga vane maoko akasviba.

Sachigaro wekomiti yeseneti inoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica, VaJim Risch, vakanyorawo tsamba kuWorld Bank vachiti mari yose yekubatsira Zimbabwe kusanganisira mamiriyoni manomwe emadhora ekuAmerica ainge apihwa Zimbabwe yaifanira kunyatsotarisiswa kuitira kuti isashandiswe zvisizvo sezvavanoti zvakaitwa mari yekubatsira vanhu vakawirwa nedambudziko reCyclone Idai.

Mukuona kuti mari iyi yashandiswa zvakanaka, World Bank iri kushanda neUnited Nations Office for Projects Services ne Dutch Catholic Organization for Relief and Development.

Rimwe sangano rinokweretesawo mari, reParis Club, rakanyorawo tsamba kugurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, richivaudza kuti vakasashandisa mari dzavari kupihwa kurwisa Covid-19 zvakanka, kuwana rumwe rubatsiro mune remangwana kuchanetsa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG