Accessibility links

Breaking News

Mumwe Mudzimai weChidiki Ofa neCovid-19 muHarare


Bazi rezvehutano rinoti mumwe mudzimai wemuHararare ane makore makumi maviri nerimwe okuberekwa akashaya nemusi weMugovera nechirwere cheCovid19.

Mudzimai uyu anonzi ainge asina nhoroondo yekuenda kunze kwenyika zvinonzi navanachiremba zvinogona kureva kuti chirwere cheCovid19 chiri kutenderera munharaunda vanhu vasingazvizive.

Pave nevanhu vasere vashaya munyika nekuda kwechirwere ichi. Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere ichi hwakwirawo kusvika pamazana matanhatu nemakumi mapfumbamwe nemasere kana kuti 698. Izvi zvinotevera kubatwa kwevamwe vanhu makumi manomwe nevatatu nechirwere ichi neMugovera.

Pavanhu ava, makumi mashanu nevashanu kana kuti 55 vakabva kuSouth Africa, vatatu kuBotwana, vamwe vatatu kuMozambique, vaviri kuAmerica mumwe chete kubva kuZambia uye vamwe vasere vakachitapurirwa munyika. Pavanhu vakabatwa nechirwere munyika vaviri ndivo chete vanozivikanwa kuti vakachiwana sei asi patotanga chipatapata chekutsvaga kuti vamwe vatnhatu vakachiwana sei.

Vanhu vapora kubva kuchirwere ichi munyika izana nemakumi masere nemumwe kana kuti 181. Vanhu vavhenekewa chirwere ichi munyika vadarika zviuru makumi manomwe nemasere kana kuti 78 000.

Kukwira kwehuwandu hwevanhu vabatwa nechirwere ichi kuri kuuya apo vashandi vakawanda vemuzvipatara kusanganisira vanachiremba nevakoti vari kuramwa mabasa vachiti mari yavari kutambiriswa ishoma zvikuru.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kugurukota rezvehutano Doctor Obadiah Moyo sezvo vasati vapindura mibvunzo yatakavatumira.

Nyanzvi munyaya dzezvehutano Dr Edgar Munatsi vanoti kukwira kwehuwandu hwevanhu vabatwa nechirwere ichi kuSouth Africa avo vanodarika zviuru zana zvine makumi masere nemasere kana kuti 188 000, zvinhu zvinogona kuipirawo Zimbabwe. Vafa muSouth Africa vadarika zviuru zvitatu.

Hurukuro naDr Edgar Munatsi
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, mashoko atumirwa Studio 7 neAfrican Union achibva kuAfrica Centers for Disease Control and Prevention anoratidza kuti vanhu vanodarika zviuru mazana mana ane makumi matanhatu nevatatu kana kuti 463, 000 vabatwa nechirwere checoronavirus muAfrica uye vashaya vadarika zviuru gumi nerimwe zvine makumi masere nematanhatu kana kuti 11, 086.

Vapora vanodarika zviuru mazana maviri ane makumi maviri kana kuti 222,000.

Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere checoronavirus pasi rose hwadarika mamiriyoni gumi nerimwe ane zviuru mazana maviri kana kuti 11,2 million.

Johns Hopkins University yemuAmerica iyo iri kuongorora kupararira kwechirwere ichi pasi rose inoti muAmerica ndimo mune vanhu vakawandisa vabatwa nekufa nechirwere ichi ichiteverwa neBrazil.

Vanhu vafa muAmerica vadarika zviuru zana zvine makumi maviri nemapfumbamwe kana kuti 129, 000, vabatwa nechirwere ichi vachidarika mamiriyoni maviri nezviuru mazana masere kana kuti 2,8 million.

Pasi rose vanhu vafa nechirwere ichi vanodarika zviuru mazana mashanu nemakumi matatu nerimwe kana kuti 531,000. Vapora vachidarika mamiriyoni matanhatu kana kuti 6 million.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG