Accessibility links

Breaking News

Vanotengesa Mumigwagwa Vanoti Vari Kuomeserwa Kuti Vatangazve Mabasa


Harare vendora
Harare vendora

Vanhu vanozviitira mabasa emaoko vanoti vari kufara kuti vave kubvumidzwa kutanga kushanda mumadhorobha akasiyana siyana asi vanotiwo mari dzavari kunzi vabhadhare dziri kupa kuti vakawanda vavo vagare havo mudzimba.

Hurumende yange yambomisa kushanda kwevanhu ava musi wa 30 Kurume nechinangwa chekuyedza kurwisa kupararira kwechirwere checoronavirus icho charura pasi rose.

Mukuru wesangano reVendors Initiative for Social and Economic Transformation kana VISET VaSamuel Wadzai vanoti pane mimwe misika vari kunzi vabhadhare madhora mashanu ekuAmerica pazuva.

Munyori mukuru musangano reZimbabwe Chamber of Informal Economy Associations VaWisborne Malaya vanotenderana nemaonero aya vachiti vari kunzi vavhenekwe hutachiona hwecoronavirus vasati vatanga mabasa asi vachishandisa mari dzavo.

Vachitaura pamusangano negurukota rezvemabhizimisi madiki neari pakati nepakati muChinhoyi svondo rapera Amai Sithembiso Nyoni, imwe nhengo yeZanu PF Amai Hilda Gweshe vakati sezvo vanga vasingashande zvinhu zvavaomera zvakanyanya uye vave kutorwrwa midziyo nevanokweretesa mari.

Ongororo yakaitwa neIMF inoratidza kuti Zimbabwe iri pachidanho chechipiri pasi rose kubva kuBolivia kuva nevanhu vakawandisa vari kuzviitira mabasa emaoko.

Izvi zvinotevera kugumurwa kwevanhu vakawanda mabasa mumakambani. Asi kuuya kwakaita chirwere cheCovid-19 kwapa kuti zvinhu zviomere vanozviitira mabasa emaoko ava.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi Dr Prosper Chitambara vanoti mabasa anoitwa nevanhu ava akakosha zvikuru mukusimudzira hupfumi hwenyika.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachidzidzisa paDurban University of Techonology Muzvinafundo Gift Mugano vanoti hurumende inofanira kubatsira vanozvitira mabasa emaoko ava sezvinoitwa kune dzimwe nyika kusimudzira mabasa avo.

Sangano reCentre for International Enterprise rinoti pavanhu vari kuzviitira mabasa emaoko apa, madzimai ndiwo akawandisa achsvika zvikamu makumi matanhatu nemanomwe kubva muzana.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG