Accessibility links

Breaking News

Nyaya yeHurumende Yekuvhara Musika weZSE Yotemesa Musoro veMabhizimisi


Zimbabwe Stock Exchange
Zimbabwe Stock Exchange

Nyaya yekumbovharwa kwemusika wekutengeserana weZimbabwe Stock Exchange kana kuti ZSE nehurumende kwave kukonzera kusagadzikana munyaya dzezvehupfumi.

Mukuru weZimbabwe Stock Exchange VaJustin Bgoni vakanyora tsamba kune vanotenga nekutengesa paZSE kuti vambomisa kushanda vakamirira kunzwa kuhurumende kuti remangwana ravo rakamira sei.

VaBgoni vanoti vatora danho iri mushure mekuzeya nebazi rezvemari neveSecurities and Exchange Commission of Zimbabwe mashoko ainge atumirwa memunyori mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko VaNick Mangwana kuti vamire basa.

Mumashoko avo kuvatori venhau, hurumende yakati ZSE yaishanda nevenharembozha kuvhiringidza hupfumi zvakanyanya nekutengesa mari dzekunze pamukoto uye kudziburitsa kunze zvisiri pamutemo. Nhengo yeZanu-PF vari nyanzvi munyaya

Asi mutungamiri weEmployers Confederation of Zimbabwe kana kuti Emcoz Dr Israel Murefu vanoti zviri kuitwa nehurumende hazvina kujeka.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachidzidzisa paDurban University of Technology Muzvinafundo Gift Mugano vanoti Zimbabwe iri kuzvisikira moto muziso nekuti zvairi kuita zvinoodza moyo yevanoda kuzouchika mari munyika.

VaMuponda vanoti hurumende haifanire kuita chinono chengwe, asi kuita hwebere hwekudya richifamba pakugadzirisa nyaya iyi nekubvisa nhubu dzacho yosiya vasiri kuita huori.

Dr Murefu vanoti RBZ inofanira kugadzirisa chapa musoro uteme kwete kungorova bembera ichingupumha vanhu vakawanda huori.

Zimbabwe Stock Echange inoshanda yakazvimirira uye yakapedzisira kumiswa kushanda muna 2008 apo mitengo yezvinhu yainge yokwira zvakanyanya kusvika pamabhiriyoni mazana mashanu.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG