Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yonyimwa Zvikwereti neveKunze Zvopa Kuti Zvinhu Zvisagadzikane


Zimbabwe President Emmerson Mnangagwa in New York
Zimbabwe President Emmerson Mnangagwa in New York

Masangano akakosha ekunze ari kutsika madziro panyaya yekubatsira Zimbabwe munyaya dzezvehupfumi izvo zvinonzi nenyanzvi munyaya dzezvehupfumi zvave kukonzera kusagadzikana munyika.

Paris Club, IMF neWorld Bank, masangano akakosha zvikuru pakukweretesa nyika dzepasi rino mari anoti haasi kuzobatsira Zimbabwe nezvikwereti kana isina kuvandudza zvinhu munyaya dzezvehupfumi uye zvematongerwo enyika.

Vachipindura chikumbiro cherubatsiro kubva kugurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube, mutsamba iri mumaoko eStudio 7, sachigaro weParis Club Amai Odile Renaud-Basso vakati hakuna kukanganwirwa zvikwereti kana kupihwa zvimwe kuchaitwa Zimbabwe kana isina kuvandudza zvinhu munyaya dzezvehupfumi nematongerwo enyika.

Ichi chibhakara chematsenanzungu kuZimbabwe nekuti yange iine chivimbo chekuwana donhodzo kuParis Club uko yagara iine chikwereti chinodarika mabhiriyoni matatu.

Gungano iri rinotiwo mari dziri kupihwa Zimbabwe kubatsira kurwisa chirwere cheCovid19 dzinofanira kushandiswa zvakanaka kuti vanokweretesa mari vazode kubatsira mune remangwana. Kushaya zvikwereti uku kwave kupa kuti hupfumi hwenyika hutatarike zvakanyanya uye kuti hurumende iburitse meno ayo.

Mubatanidzwa wenyika dzenyika dzekumawirira weEuropean Union unoti kunyangwe hazvo mubatanidzwa wemapato ezvematongerwo wePOLAD wakanaka, hapana chinobatika chinobuda kana pasina mutungamiri weMDC Alliance VaNelson Chamisa avo vakawana mavhoti akawanda pamapato ose anopikisa musarudzo dza2018.

Asi vachitaura kudare resenate nemusi weChina, VaNcube vakati vaisa mitemo yekumutsiridza hupfumi asi pane makoronyera ari kuvhiringidza hupfumi nekutengesa mari pamukoto. Vanoti nyaya yekuparurawo musika wemari yekunze wecurrency exchange munongedzo wekuti vakazvipira kugadzirisa hupfumi.

Mapurisa anotiwo vanhu vanodarika mazana maviri vasungwa kusvika parizvino nekuramba kutambira dhora remunyika vachinzi vari kutyora mutemo weBank Use and Suppression of Money Laundering Act unoti wose anoramba kushandisa mari iri pamutemo anosungwa.

Kuti danho iri rinoshanda? Nyanzvi munyaya dzemabhanga VaGilbert Muponda vanoti mutemo unomanikidza vanhu kutambira mari yakaparurwa neRBZ..

Asi Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachidzidzisa paDurban University of Technology Muzvinafundo Gift Mugano vanoti mitemo yehurumende yekurambidza kunyatsoshanda kwemari yapanharembozha kwapa kuti vanhu vashaye chivimbo nemari yemunyika.

Mashoko aya atsinhirwawo neimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi Dr Prosper Chitambara vesangano reLabour and Economic Development Research Institute avo vanoti kushaya simba kwedhora remunyika kunoreva kuti hazvichave nyore kushandisa mari diki nekuti kuitakura watove mutoro.

Kunyangwe paine maonero akasiyana pamatanho ari kutorwa nehurumende, vakawanda vari kutenderana kuti Zimbabwe inofanira kuvandudza zvinhu munyaya dzezvehupfumi nekutengesa zvinhu zvakawanda kunze kwenyika.

Mamiriro akaita zvinhu munyika anozni ari kupa vemabhizimisi vekunze kuti vazengurire kuzouchika mari yavo muZimbabwe.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG