Accessibility links

Breaking News

Chizvarwa cheZimbabwe Chiri kuSouth Africa VaDenis Juru Votaurwa nezveKubatwa neCovid-19


Mutungamiri weSouth Africa VaCyril Ramaphosa.
Mutungamiri weSouth Africa VaCyril Ramaphosa.

South Africa iyo ine vanhu vanodrika zviuru mazana maviri nemakumi matanhatu nevana kana 264,000 vabatwa nechirwere cheCovid-19 ndiyo myika ine vanhu vakawandisa muAfrica yose vabatwa nechirwereichi.

Nemusi weSvondo, mutungamiri wenyika iyi VaCyril Ramaphosa vakazivisa kuti vainge vodzora mamwe matanho akaoma kuyedza kuderedza kutapuriranwa kwechirwere ichi.

Doro rarambidzwa uye munhu wose ave kusungirwa kuti ange akapfeka chekudzivirira muromo nemunho kana kuti mask. Vanhu vari kunzi vange vave mudzimba pakati penguva dzepfumbamwe kusvika dzeina mangwanani.

Pavanhu ava pane zvizvarwa zveZimbabwe zvine chitsama zvabatwa nechirwere ichi zvikuru muGauteng umo marura chirwere ichi. Mumwe abatwa nechirwere ichi mutungamiri wesangano reInternational Cross Border Traders Association VaDenis Juru avo vanoti vanofungidzirwa kuti vakatapurirwa chirwere ichi neimwe hama yavo.

Hurukuro naVaDenis Juru
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Zvichakadaro, mashoko atumirwa Studio 7 neAfrican Union achibva kuAfrica Centers for Disease Control and Prevention anoratidza kuti vanhu vanodarika zviuru mazana mashanu nemakumi manomwe nemasere kana kuti 578 000 vabatwa nechirwere checoronavirus muAfrica, vanhu vafa vanosvika zviuru gumi nezviviri nemazana mapfumbamwe nemakumi masere nemapfumbamwe kna kuti 12, 989.

Vanhu vapora kubva kuchirwere ichi vadarika zviuru mazana maviri zvine makumi masere nemana kana kuti 284, 000.

Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere checoronavirus pasi rose hwadarika mamiriyoni gumi nezviviri zvine zviuru mazana manomwe kana kuti 12,7 million.

Johns Hopkins University yemuAmerica iyo iri kuongorora kupararira kwechirwere ichi pasi rose inoti muamerica ndimo mune vanhu vakawandisa vabatwa nekufa nechirwere ichi ichiteverwa nebrazil.

Vanhu vafa muAmerica vadarika zviuru zana zvine makumi matatu nemashanu kana kuti 135, 000, vabatwa nechirwere ichi vachidarika mamiriyoni matatu nezviuru mazana maviri kana kuti 3,2 million.

Pasi rose vanhu vafa nechirwere ichi vadarika zviuru mazana mashanu nemakumi matanhatu nemasere kana kuti 567,000. Vapora vachidarika mamiriyoni manomwe kana kuti 7 million.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG