Bazi rezvehutano rinoti vanhu mazana mashanu nemakumi matanhatu nevanomwe kana kuti 567 vabatwa nechirwere checoronavirus munyika. Izvi zvinotevera kubatwa kwevamwe vanhu vatanhatu vakadzoka kubva kuSouth Africa.
Bazi rezvehutano rinoti huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere checoronavirus hwakakwira neChina kusvika pamazana mashanu nemakumi mashanu nemumwe chete, kana kuti 551.
Varwere vakawanda vanonzi vari kudzoserwa kudzimba apo kuramwa mabasa kwevakoti, vanachiremba nevamwe vashandi vemuzvipatara kuri kuenderera mberi.
Mukuru mubazi rezvehutano anoona nezvemamiriro enharaunda uye nzvimbo dziri kuchengeterwa vanhu vari kubva kunze kwenyika kana kuti maqurantine centres VaVictor Nyamandi vanoti kushaya ruzivo rwakakwana ndiko kwopa kuti vanhu vakawanda vatapurirane chirwere checoronavirus munzvimbo idzi.
Banga guru renyika, reReserve Bank of Zimbabwe, RBZ, raparura musika wekutenga nekutengesa mari yekunze kwenyika kana kuti foreign currency auction nechinangwa chekuyedza kumisa vanhu kuenda kunotenga mari pamukoto zvinonzi nehurumende zvapa kuti dhora remunyika rishaye simba.
Mumiriri weHarare West mudare reparamende Muzvare Joana Mamombe, mutevedzeri wasachigaro weMDC Youth Alliance Muzvare Cecilia Chimbiri uye mutevedzeri wemurongo wemabasa Muzvare Netsai Marowa vari kutarisirwa kumiswa pamberi pedare repamusoro nhasi.
Bazi rezvehutano rinoti huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere checoronavirus munyika hwakwira kusvika pamazana mana nemakumi masere nevapfumbamwe kana kuti 489.
Sachigaro wesangano rinomirira vashandi vehurumende reApex Council Amai Cecilia Alexander vanoti vari kutarisira kuita musangano nehurumende wekuzeya nyaya dzemari dzavanotambiriswa idzo vanoti hadzichakwane.
Bazi rezvehutano rinoti pane mamwe madzimai maviri akafa nechirwere checoronavirus kugweru nekuBulawayo
Asi vashandi vehurumende vanoti mari iyi ishoma zvikuru, uye vachaipihwa kwemwedzi mitatu chete.
Vanoita mabasa emaoko pamwe nekutengesa zvinhu mumigwagwa vanoti vari kuomerwa zvikuru kuti vawane mari yekunyoresa zviri pamutemo, kuitira kuti vatange kuita mabasa zvichitevera kumbomiswa kwavakaitwa nekuda kweCovid-19.
Mutevedzeri wasachigaro weMDC VaJob Sikhala vanoti vari kuzoendesa gurukota rezvemukati menyika VaKazembe Kazembe kumatare nekusvibiza zita ravo vakaramba vakasimba nerekuti vane hurongwa hwekupidigura hurumende.
Huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere cheCovid-19 munyika hwasvika pamazana matatu nemakumi maviri vakawanda vari kubatwa nechirwere ichi vachibva kuSouth Africa vari munzvimbo dziri kuchengeterwa vanhu kana kuti ma quarantine centers.
VaKazembe vakatora mukana uyu kuyambira vaimbove gurukota muhurumende yaVaRobert Mugabe, VaSaviour Kasukuwere, avo vari muhupoteri, pamwe nemutevedzeri wasachigaro weMDC Alliance, VaJob Sikhala, kuti vasafambe vachitaura mashoko enhema.
Dhora rekuAmerica range richitengwa nemadhora makumi manomwe emari yemuZimbabwe kana kuti 1:70 range rotengeswa nemari inodarika madhora makumi manomwe nemashanu kana kuti 1:75.
Bazi rezvemari raburitsa zvinodiwa nevemakambani kuitira kuti akwanise kutora zvikwereti zvemnari yekumutsiridza mabhizimisi avo awirwa nedambudziko rechirwere cheCovid-19.
Gurukota rinoona nezvevashandi Muzvinafundo Paul Mavima vanoti vari kutarisira kuti hurumende ichitanga kuita hurukuro dzemihoro wevashandi vayo kutanga vhiki rino.
Munyori mukuru musangano reZimbabwe Council of Churches Reverend Kenneth Mtata vakurudzira ZACC kuti riongorore nyaya dzehuori pakutenga zvikwanisiro zvekurwisa hutachiona hwecoronavirus.
Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere checoronavirus muHarare hwasvika pamakumi mapfumbamwe nemasere kana kuti 98.
Bato reMDC Alliance nemagweta eZimbabwe Lawyers for Human Rights vashora zvikuru gurukota rinoona nezvekudzivirirwa kwemukati menyika VaKazembe Kazembe avo vati nhasi ongororo yavari kuita inoratidza kuti madzimai echidiki eMDC matatu haana kupambwa.
Rodhai zvimwe