Accessibility links

Breaking News

RBZ Inoparura Musika weKutengesa Mari yeKunze


Banga guru renyika, reReserve Bank of Zimbabwe, RBZ, raparura musika wekutenga nekutengesa mari yekunze kwenyika kana kuti foreign currency auction nechinangwa chekuyedza kumisa vanhu kuenda kunotenga mari pamukoto zvinonzi nehurumende zvapa kuti dhora remunyika rishaye simba.

Pakuparurwa kwemusika uyu, patengeswa mari inosvika mamiriyoni gumi nerimwe nezviuru mazana mana emadhora ekuAmerica kana kuti US$11, 4 million.

Dhora rekuAmerica ratengwa nemari yemuZimbabwe inoita mabhora makumi mashanu nemamonwe nemasendi makumi matatu nematanhatu.

Asi hapana kuwirirana kuti danho iri richanyukuru nyika mukanwa mamupere.

Hurongwa hweRBZ uhu hunoreva kuti hakuchina zvainge zvoitwa nebhanga iri zvekutara mari inofanira kutengwa kana kutengeswa kwedhora rekuAmerica.

Gavhuna weRBZ, Doctor John Mangudya, vanoti munhu kana kambani inoda kutenga mari pamusika uyu inofanira kunge ichitangira pamadhora zviuru makumi mashanu zvekuAmerica kana kuti US$50 000 kusvika pazviuru mazana mashanu kana kuti US$500 000.

Mari yepamusoro soro inenge yatengeswa nayo mari pamusika uyu ndiyo inenge yoshandiswa vhiki rose semari yekuchinja nayo madhora kana kuti exchange rate.

Nyanzvi munyaya dzezvemabhanga, VaGilbert Muponda, vanoti danho iri rakanaka uye rinoratidza kuti RBZ iri kuteerera zviri kutaurwa nevanhu zvekuti isatare mutengo wemari.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfum,i Muzvinafundo Gift Mugano, avo vanodzidzisa paDurban University of Technology, vanoti zviri kuitwa neRBZ hazvina zvakanyanya zvazvinobatsira uye zviri pachena kuti akaroya Zimbabwe akazunza negona rose nekuti matambudziko acho rufuse rusingapore.

Mashoko aya atsinhirwa nemutungamiri wesangano revashandirwi reEmployers Confederayion of Zimbawe kana kuti EMOCOZ, Dr Israel Murefu. VaMurefu vanoti zvimwe zviri kuitwa naVaMangudya zvinonetsa kusadzikisa nekuti vari kutengesa zvinhu zvisipo.

Kunyange vachitenderana nemaonero aya, VaMuponda vanoti zvinhu zviyedzwa chembere yekwaChivi yakabika mabwe ikanwa muto.

VaMugano vanoti kuita musika uyu kunge svondo inopindwa kamwe pavhiki, kukanganisa zvikuru.

Kuti danho ratorwa neRBZ iri richamisa musika mutema?

Vamwe vanoti uku kupedzera tsvimbo kumakunguwo idzo njiva dzichitevera.

Asi veRBZ vanoti vari kushora danho iri vari kuita shungu dzomutana waswera padare kuramba nemhandire seane meno.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG