Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vabatwa neCoronavirus muHarare Voda Kusvika paZana


Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere checoronavirus muHarare chete hwasvika pamakumi mapfumbamwe nemasere kana kuti 98 apo bazi rezvehutano rinoti huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere checoronavirus munyika yose hwasvika pamazana maviri nemakumi manomwe nemapfumamwe kana kuti 279.

Vanhu vafa vachiri vana uye vapora vave makumi matatu nevatatu kana kuti 33. Vanhu gumi nevana vakabatwa nechirwere ichi neMugovera vose vakadzoka kubva kuSouth Africa. Harare ndiyo ine vanhu vakawandisa vabatwa nechirwere ichi, ichiteverwa neMatabeleland South ne Masvingo.

Nyazvi munyaya dzezvehutano dziri kuyambirawo kuti munzvimbo dzinochengeterwa vanenge vadzoka kubva kunze kwenyika zvikuru vanouya nemabhazi hadzina kushambidzika uye kune huori hunotyisa vamwe vachinzi vabhadhare mari yechiokomuhomwe vasati vabuditswa kana kuti kuvhenekwa.

Munyori mubazi rezvehutano VaNick Mangwana vachinyora padandemutande ravo vakatenda kune munhu akadzingwa basa paBelvedere Teachers College nenyaya yehuori uye inyaya yavanoda kuferefeta.

Mutungamiri wesangano reCommunity Working Group on Health VaItai Rusike vanoti hurumende inofanira kuona kuti munzvimbo dziri kugara vanhu vanenge vadzoka kubva kune dzimwe nyika kana kuti maqurantine centres dzive dzine hutsanana kuti chirwere ichi chisapararire.

Zvichakadaro, mashoko atumirwa Studio 7 neAfrican Union achibva kuAfrica Centers for Disease Control and Prevention anoratidza kuti vanhu vanodarika zviuru zana nemakumi masere nemana nematanhatu kana kuti 184, 000 vabatwa nechirwere checoronavirus muAfrica. Vashaya vadarika zviuru zvishanu nemakumi manomwe nemumwe kuti 5,071.

Vapora vanodarika zviuru makumi manomwe nemasere kana kuti 81,000. Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere checoronavirus pasi rose hwadarika mamiriyoni matanhatu nezviuru zvipfumbamwe kana kuti kuti 6,9 million.

Johns Hopkins University yemuAmerica iyo iri kuongorora kupararira kwechirwere ichi pasi rose inoti muAmerica ndimo mune vanhu vakawandisa vabatwa nechirwere ichi.

Pasi rose vanhu vafa nechirwere ichi vanodarika zviuru mazana mana kana kuti 400,000. Vapora vachidarika mamiriyoni matatu kana kuti 3 million.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG