Accessibility links

Breaking News

Dhora reZimbabwe Rodonha Zvakanyanya


Vanhu vachitenga nekutenesa mari mudhorobha reHarare

Dhora remuZimbabwe rafuma rakadonha zvakanyanya mushure mekunge gavhuna webhanga guru renyika, reReserve Bank of Zimbabwe, RBZ ,VaJohn Mangudya vazivisa neChipiri kuti vavandudza zvekare mutemo panyaya yemari vachiti hurumende haichatare mari inofanira kutengwa kana kutengeswa dhora remunyika pamusika.

Dhora rekuAmerica range richitengwa nemadhora makumi manomwe emari yemuZimbabwe kana kuti 1:70 range rotengeswa nemari inodarika madhora makumi manomwe nemashanu kana kuti 1:75.

RBZ inotiwo kambani inenge isina kushandisa mari yayo yekunze inenge iri mubhanga mukati memazuva makumi matatu ichatorerwa mari iyi yopuhwa mari yemaRTGS zvichienderana nekuti dhora rekuAmerica rakamira sei pazuva racho.

Nyanzvi munyaya dzezvemabhanga uye vari nhengo yeZanu-PF, VaGilbert Muponda, vanoti vari kutambira danho ratorwa neRBZ iri vachiti richapa kuti mabhizimisi ashande zviri nyore.

Hurukuro naVaGilbert Muponda
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi vaimbova gurukota rezvehupfumi muhurumende yemubatanidzwa, uye vari mutevedzeri wemutungamiri weMDC Alliance, VaTendai Biti, vanoti VaMangudya varemerwa nemutoro uye danho ravo rekudzora dhora remuZimbabwe rainge risina maturo nekuti hapana ane chivimbo naro.

Studio 7
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:59:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG