Accessibility links

Breaking News

MDC Alliance Yoshora VaKazembe paNyaya yeKupambwa kweVechidki veBato Iri


Muzvare Joanna Mamombe, Muzvare Netsai Marova naMuzvare Cecilia Chimbiri
Muzvare Joanna Mamombe, Muzvare Netsai Marova naMuzvare Cecilia Chimbiri

Bato reMDC Alliance nemagweta eZimbabwe Lawyers for Human Rights vashora zvikuru gurukota rezvemukati menyika, VaKazembe Kazembe, avo vanoti ongororo yavari kuita inoratidza kuti madzimai echidiki eMDC matatu haana kupambwa nekuti havana kumbosvika paroad block yavanoti vakasungirwa kuWarren Park.

VaKazembe vakudza vatori venhau muHarare neChina kuti mumiriri weHarare West mudare reparamende, Muzvare Joanna Mamombe; mutevedzeri wasachigaro wevechidiki, Muzvare Cecilia Marova; pamwe naMuzvare Netsai Marova vanova mutevedzeri wemurongi wemabasa vaifamba famba muHarare panguva dzavaiti vainge vapambwa.

Mashoko aVaKazembe Kazembe
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi mutauriri webato reMDC Alliance, Muzvare Fadzai Mahere, mumashoko avo kuvatori venhau vati VaKazembe vari kuyedza kuhwanda nemunwe.

Vati aka hakasi kekutanga izvi zvichiitika nekuti pakapambwa kana Muzvare Jestina Mukuko hurumende yairamba kuti vainge vapambwa uye kusvika pari zvino, hapana ari kuziva kuti VaItai Dzamara vakapambwa makore mashanu apfuura varipi.

Vatiwo hapana kana akasungwa pamauto akapomerwa mhosva yekupfuura vanhu mudhorobha reHarare muna 2018 kunyange hazvo pakaitwa ongororo yekuti vakapara mhosva ava vasungwe.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG