Accessibility links

Breaking News

ZACC Kurudzirwa Kuti Iferefete Kambani yeDrax paNyaya yeHuori


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Munyori mukuru musangano reZimbabwe Council of Churches Reverend Kenneth Mtata vakurudzira sangano rinoona nezvehuori reZimbabwe Anti-Corrupotion Commission kuti riongorore nyaya dzehuori pakutenga zvikwanisiro zvekurwisa hutachiona hwecoronavirus kana kuti maProtective Personal Equipment kana kuti PPE’s.

Mumwe mwanakomana wemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, VaCollins Mnangagwa vari kunziwo vane chekuita nehuori mukutengwa kwezvikwanisiro izvi vachishanda nekambani yeDrax iyo iri kupomerwa mhosva yekutengesera hurumende maPPE aya nemari yakawandisa.

Collins anonzi ari kushanda naVaDelish Nguwaya. Asi mumashoko kuvatori venhau Collins anoti haashande nevanhu ava achiti ari kuzorwa mafuta enguruve yaasina kudya. Hatina kukwanisa kubata VaNguwaya.

Hurumende inonzi yakatobhadhara miriyoni imwe chete yemadhora ekuAmerica kukambani iyi.

Asi vachitaura nebepanhau reNewsday, munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko VaNick Mangwana vakati mutungamiri wenyika mbune ainge aramba kuti kambani iyi ibhadharwe mari iyi.

Mutauriri weZimbabwe Anti-Corruption Commission VaJohn Makamure havana kupindura mubvunzo watumirwa neStudio 7 kuti vari kuferefeta nyaya iyi here.

Sachigaro wekomiti yedare reSenate zvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica VaJim Risch vakatumirawo tsamba kuWorld Bank vachiti inyatotarisisa kuona kuti mari yakapihwa Zimbabwe yekubatsira kurwisa coronavirus inosvika mamiriyoni manomwe haisi kushandiswa zvisizvo here sezvavanoti zvakaitwa mari yekubatsira vanhu vakawirwa nedambudziko redutumupengo recyclone Idai.

Reverend Mtata vati nyaya yehuori inosvibisa zita renyika uye zvakakosha kuti inongororwe neZACC.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG