Bazi rezvehutano rinoti pane mamwe madzimai maviri akafa nechirwere checoronavirus kugweru nekuBulawayo. Izvi zvave kureva kuti vanhu vatanhatu vashaya munyika nekuda kwechirwere ichi.
Vabatwa nechirwere ichi vave mazana mana nemakumi masere nevapfumbamwe kana kuti 489 uye vapora vave makumi matanhatu nevana kana kuti 64. Vanhu vavhenekwa hutachiona uhu vadarika zviuru makumi matanhatu nezviviri kana kuti 62,000.
Nyanzvi munyaya dzezvehutano dziri kuyambira hurumende kuti zvinhu zvinogona kutonyanya kuipa kana ikasagadzirisa nyaya yekuramwa mabasa kwavanachiremba nevakoti nenyaya yemari dzavari kutambira uye kusagadzirisa nyaya dzehuori dzaunza kunyunyuta kwakanyanya munyika.
Vanachiremba vakuru nezuro vainge vaine hurongwa hwekuita hurukuro negurukota rezvehutano Doctor Obadiah Moyo asi zvakakundikana sezvo vainge vari kumatare uko vari kupomerwa mhosva yekuita zvehuori pakutenga zvikwanisiro zvekubatsira mukurwisa covid19.
Nyaya iyi iri kubatawo mwanakomana wemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, Collins uyo ari kuti ari kuzorwa mafuta enguruve yaasina kudya.
Vamwe vari kunyunyuta kuti kusungwa kwaVaMoyo kubata vanhu kumeso nekuti havana kubvira varara mutirongo uye hurumende haina kupikisa kuti vapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso kunyangwe mhosva yavari kupomerwa yakakomba.
Munyori mukuru musangano reZimbabwe Senior Hospital Doctors Association Fr Aaron Musara vanoti vakatotada kuita musangano wekui vawedzerwe mari neMugovera sezvo VaMoyo vainge vari umatare.
Zvichakadaro, mashoko atumirwa studio 7 neAfrican Union achibva kuAfrica Centers for Disease Control and Prevention anoratidza kuti vanhu vanodarika zviuru mazana maviri nemakumi mapfumbamwe nevanomwe kana kuti 297, 000 vabatwa nechirwere checoronavirus muAfrica uye vashaya vadarika zviuru zvinomwe nemazana mapfumbamwe nemakumi maviri nemashanu kana kuti 7,925.
Vapora vanodarika zviuru zana nemakumi mana nemaviri kana kuti 142,000. Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere checoronavirus pasi rose hwadarika mamiriyoni masere nezviuru mazana masere kana kuti 8,8 million.
Johns Hopkins University yemuAmerica iyo iri kuongorora kupararira kwechirwere ichi pasi rose inoti muamerica ndimo mune vanhu vakawandisa vabatwa nekufa nechirwere ichi ichiteverwa neBrazil.
Vanhu vafa muAmerica vave kusvika zviuru zana nemakumi maviri kana kuti 120, 000, vabatwa nechirwere ichi vachidarika mamiriyoni maviri nezviuru mazana maviri, 2,2 million.
Pasi rose vanhu vafa nechirwere ichi vanodarika zviuru mazana mana nemakumi matanhatu nematatu kana kuti 463, 000. Vapora vachidarika mamiriyoni mana nezviuru mazana matatu kana kuti 4,3 million.
Facebook Forum