Accessibility links

Breaking News

Muzvare Joana Mamombe, Netsai Marowa naCecilia Chimbiri Votarisirwa Kumiswa Pamberi peDare neChipiri


Muzvare Mamombe, Marowa naChimbiri

Mumiriri weHarare West mudare reparamende Muzvare Joana Mamombe, mutevedzeri wasachigaro weMDC Youth Alliance Muzvare Cecilia Chimbiri uye mutevedzeri wemurongo wemabasa Muzvare Netsai Marowa vari kutarisirwa kumiswa pamberi pedare repamusoro nhasi.

Gweta revatatu ava, VaJeremiah Bamu vanoshanda nesangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights vanoti dare riri kunzwa chikumbiro chavo chekuti vapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso here kana kuti kwete nhasi. Vatatu ava vakasungwa vachipomerwa mhosva yekuti avainge vapambwa vakanosiiwa kuBindura.

Asi ivo vanoti vakapambwa nevanofungidzirwa kuti vasori sezvo vakatorwa mumaoko emapurisa. Masangano anorwira kodzero dzevanhu nenyika dzakabudirira ari kushora zvikuru hurumende yeZimbabwe nekusunga vatatu ava.

Nezuro dare iri rakatadza kunzwa nyaya iyi sezvo vachuchusi vange vasina kugadzirira. Hatina kukwanisa kubata muchuchusi mukuru wehurumende VaKumbirai Rwodzi kuti tinzwe kuti sei hofisi yavo yange isati yagadzisa mapepa ari kudiwa aya sezvo nharembozha yavo yange isiri kudairwa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG