Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inowedzera Mihoro yeVashandi Vayo neZvikamu Makumi Mashanu Kubva Muzana


Currency

Hurumende yawedzera vashandi vayo mari nezvikamu makumi mashanu kubva muzana zvemadhora emuZimbabwe kana kuti 50%.

Pamusoro pezvo, hurumende yati vachandi vachapihwawo kwemwedzi mitatu madhora makumi manomwe nemashanu ekuAmerica vasingabatirwe mutero.

Mari iyi inonzi ndeyekubatsirikana kwemushandi wega wega munguva iyo hurumende iri kurwisana nekupararira kwechirwere cheCovid Allowance.

Izvi zvaburitswa nebazi rezvemari kuburikidza nemashoko aratumira kuvatori venhau.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, sezvo vange vasiri kudaira nharembozha yavo.

Asi munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana, vatenda padandemutande ravo reTwitter kuti ichokwadi kuti hurumende yawedzera mari dzevashandi vayo.

Mari iyi yekunze iyi ichapihwa vashandi kwemwedzi mitatatu panguva iyo hurukuro dzekuti vawedzerwe mari dzinenge dzichienderera mberi.

Zimbabwe National Statistics Agency inoti kukwira zvakanyanyisa kwemitengo yezvinhu kana kuti inflation yakwira nezvikamu zviviri kusvika pazvikamu mazana manomwe nemakumi masere nezvishanu nezviga makumi mashanu nezvishanu kubva muzana, 785. 55 percent.

Hatina kukwanisa kubata mutauriri wesangano revashandi vehurumende reApex Council, VaDavid Dzatsunga.

Asi mutungamiri werimwe sangano revarairidzi reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, Doctor Takavafira Zhou, vaudza Studio 7 kuti mari yawedzerwa haikwane zvachose.

Mashoko aya atsinhirwa nemunyori mukuru werimwe sangano revadzidzisi reAmalgmated Rural Teachers Union of Zimbabwe, VaRobson Chere, vanoti vanoda kupihwa mihoro nemari yekuAmerica nekuti dhora remunyika harichisina simba.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG