Accessibility links

Breaking News

Vabatwa neCoronavirus Vodarika Mazana Mashanu Uko VanaChiremba Vachiramwa Mabasa


A group of Zimbabwean doctors sing as they protest at Parirenyatwa hospital in Harare, Zimbabwe, Sept. 15, 2019.

Zvinhu muzvipatara zvehurumende hazvina kumira zvakanaka sezvo vamwe vanachiremba nevakoti vari kuramwa mabasa vachiti havasi kufara nemari dzavari kutambiriswa.

Bazi rezvehutano rinoti huwandu hwevanhu vabatwa necoronavirus hwasvika pamazana mashanu negumi nevaviri kana kuti 512. Izvi zvinotevera kubatwa kwevamwe vanhu makumi maviri nevatatu nechirwere ichi neChipiri. Pavanhu ava, makumi maviri nemumwe vakabva kuSouth Africa vamwe vaviri vakachitapurirwa munyika.

Vanhu vafa nechirwere ichi kusvika parizvino vachiri vatanhatu. Vapora vave makumi matanhatu nevana kana kuti 64. Vanhu vavhenekwa hutachiona uhu vadarika zviuru makumi matanhatu nezviviri kana kuti 62,000.

Kuramwa mabasa kwavanchiremba kunonzi nenyanzvi munyaya dzezvehutano kuchapa kuti zvinhu zvinange kumawere.

Munyori mukuru musangano reZimbabwe Nurses Association VaEnoch Dongo vanoti vashandi vari kutambiriswa mutero wembwa. Vanoti vanoda kudzokera kumabasa kunobatsira panguva ino yakaoma yecoronavirus asi vachiti hurumende haisi kuratidza chido chekutaura navo.

Hurukuro naVaEnoch Dongo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi vachitaura nebepanhau reHerald, mutevedzeri wemunyori mukuru wedare remakurukota VaGeorge Charamba vanoti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnanagwa vakazvipira kuona kuti vashandi vehurumende vatambiriswa mari iri nani.

Vanoti mari yakawedzerwa nehurumende vhiki rapera kuvashandi haimisi nyaya yenhaurirano yekuvawedzera imwe mari. Asi vari kuramwa mabasa vanoti havasi kuona kuzvipira kwehurumende panyaya iyi.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa kubva kugurukota rezvehutano Doctor Obadiah Moyo kana vakafanobata chigaro chemunyori mukuru mubazi ravo Dr Gibson Mhlanga sezvo vasina kupindura mibvunzo yatavatumira paWhatsApp.

Zvichakadaro, mashoko atumirwa Studio 7 neAfrican Union achibva kuAfrica Centers for Disease Control and Prevention anoratidza kuti vanhu vanodarika zviuru mazana matatu nezvitanhatu nevanomwe kana kuti 306, 000 vabatwa nechirwere checoronavirus muAfrica uye vashaya vadarika zviuru zvisere nezana rine gumi neshanu kana kuti 8,115.

Vapora vanodarika zviuru zana nemakumi mana nematanhatu kana kuti 146,000. Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere checoronavirus pasi rose hwadarika mamiriyoni masere nezviuru mazana mapfumbamwe kana kuti 8,9 million.

Johns Hopkins University yemuAmerica iyo iri kuongorora kupararira kwechirwere ichi pasi rose inoti muAmerica ndimo mune vanhu vakawandisa vabatwa nekufa nechirwere ichi ichiteverwa neBrazil.

Vanhu vafa muAmerica vave kusvika zviuru zana nemakumi maviri kana kuti 120,000. Vabatwa nechirwere ichi vachidarika mamiriyoni maviri nezviuru mazana maviri, 2,2 million.

Pasi rose vanhu vafa nechirwere ichi vanodarika zviuru mazana mana nemakumi matanhatu nemasere kana kuti 468, 000. Vapora vachidarika mamiriyoni mana nezviuru mazana mana kana kuti 4,4 million

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG