Accessibility links

Breaking News

Vari Kubva kuSouth Africa Vakawanda Vobatwa neCoronavirus


Huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere cheCovid-19 munyika hwasvika pamazana matatu nemakumi maviri vakawanda vari kubatwa nechirwere ichi vachibva kuSouth Africa vari munzvimbo dziri kuchengeterwa vanhu kana kuti ma quarantine centers.

Asi huwandu uhu hunogona kukwira zvekare nhasi pachaburitswa zvabuda muongororo dzekuvheneka vane chirwere ichi.

Vanhu vapora kubva kuchirwere ichi vave makumi mana nevapfumbamwe uye vafa vachiri vana.

Nzvimbo dzema quarantine zones pari zvino dzine vanhu vanodarika zviuru zvitatu nemazana manomwe uye dzawirwa nedambudziko rekuti vamwe vave kutiza.

Mukuru anoona nezvekurwisa kuparira kwehutachiona hwe coronavirus munyika, Dr Agness Mahomva, vakati vachasimbaradza kuchengetwa kwenzvimbo idzi uye vari kutiza vave kuburitswa mazita avo mudzinhepfenyuro vosungwa vakabatwa.

Vakawanda vari mune dzimwe nzvimbo idzi vari kutaura neStudio 7 vanoti dzakazarisa uye dzine tsvina ukuwo chikafu nemvura zvichinetsa.

Vamwe vari kugarisawo munzvimbo idzi kwemazuva anodarika mavhiki matatu akatarwa nekuda kwekuti hakuna zvekuvheneka vanhu kana kuti matest kits ekuona kuti havana chirwere ichi here.

Kunyange hazvo dare repamusoro rakati nzvimbo idzi dzigadziriswe, vanachiremba vanoti hapana chaitwa kusvika pari zvino zvekuti vari kufungidzira kuti vanhu vari kutotapurirana zvirwere munzvimbo idzi.

Mukuru wesangano reCommunity Working Group on Health, VaItai Rusike, vanoti hurumende inofanira kugadzirisa zvinhu kunzvimbo dziri kuchengeterwa vanhu kuti matambudziko ari kusangana nevanhu aya apere.

Zvichakadaro, mashoko atumirwa Studio 7 neAfrican Union achibva kuAfrica Centers for Disease Control and Prevention anoratidza kuti vanhu vanodarika zviuru mazana maviri kana kuti 200,000 vabatwa nechirwere cheCovid-19 muAfrica.

Vashaya vadarika zviuru zvishanu nemazana mashanu kana kuti 5,500.

Vapora vanodarika zviuru makumi mapfumbamwe nechimwe, kana kuti 91,000.

Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere ichi pasi rose hwadarika mamiriyoni manomwe nemazana mana ezviuru kana kuti 7,4 million.

Johns Hopkins University yemuAmerica iyo iri kuongorora kupararira kwechirwere ichi pasi rose inoti muAmerica ndimo mune vanhu vakawandisa vabatwa nechirwere ichi vadarika mamiriyoni maviri, vanhu vafa munyika iyi vachidarika zviuru zana negumi nezviviri kana kuti 112, 000

Pasi rose vanhu vafa nechirwere ichi vanodarika zviuru mazana mana kana kuti 400,000. Vapora vachidarika mamiriyoni matatu nezviuru mazana mana ezviuru, kana kuti 3, 4 million.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG