Accessibility links

Breaking News

Vanhu Mamiriyoni Gumi Vobatwa neCoronavirus Pasi Rose muZimbabwe Muine Vanodarika Mazana Mashanu


Bazi rezvehutano rinoti vanhu mazana mashanu nemakumi matanhatu nevanomwe kana kuti 567 vabatwa nechirwere cheCovid19 munyika. Izvi zvinotevera kubatwa kwevamwe vanhu vatanhatu vakadzoka kubva kuSouth Africa.

Vanhu vafa vachiri vatanhatu asi huwandu hwevanhu vapora hwakwirawo kusvika pazana nemakumi mana nevaviri kana kuti 142.

Vanhu vavhenekwa hutachiona uhu nyika yose vadarika zviuru makumi matanhatu nematanhatu kana kuti 66,000.

Kukwira kwehuwandu hwevanhu vabatwa nechirwere ichi kuri kuuya apo vashandi vakawanda vemuzvipatara kusanganisira vanachiremba nevakoti vari kuramwa mabasa vachiti vave kutambiriswa mutero wembwa sezvo dhora remuZimbabwe riri kuramba richishaya simba.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kugurukota rezvehutano Doctor Obadiah Moyo sezvo vasati vapindura mibvunzo yatakavatumira.

Munyori mukuru musangano reZimbabwe Senior Hospital Doctors Association Dr Aaron Musara vanoti hurumende inofanira kugadzirisa matambudziko ari kusangana nevashandi vemuzvipatara kuita kuti dambudziko remunyika risakombe.

Hurukuro naVaAaron Musara
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, mashoko atumirwa Studio 7 neAfrican Union achibva kuAfrica Centers for Disease Control and Prevention anoratidza kuti vanhu vanodarika zviuru mazana matatu nemakumi manomwe nemumwe kana kuti 371, 000 vabatwa nechirwere checoronavirus muAfrica uye vashaya vadarika zviuru zvipfumbamwe nemazana mana nemakumi masere nemana kana kuti 9, 484.

Vapora vanodarika zviuru zana nemakumi manomwe nemasere kana kuti 178,000

Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere checoronavirus pasi rose hwadarika mamiriyoni gumi kana kuti 10 million. Johns Hopkins University yemuAmerica iyo iri kuongorora kupararira kwechirwere ichi pasi rose inoti muAmerica ndimo mune vanhu vakawandisa vabatwa nekufa nechirwere ichi ichiteverwa neBrazil.

Vanhu vafa muAmerica vadarika zviuru zana nemakumi maviri nemashanu kana kuti 125,000, vabatwa nechirwere ichi vachidarika mamiriyoni maviri nezviuru mazana mashanu kana kuti 2,5 million.

Pasi rose vanhu vafa nechirwere ichi pasi vanodarika zviuru mazana mana nemakumi mapfumbamwe nemapfumbamwe kana kuti 499,000. Vapora vachidarika mamiriyoni mashanu kana kuti 5 million.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG