Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vabatwa neCovid-19 Munyika Vadarika Mazana Mashanu neMakumi Mashanu


VaItai Rusike
VaItai Rusike

Bazi rezvehutano rinoti huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere checoronavirus hwakakwira neChina kusvika pamazana mashanu nemakumi mashanu nemumwe chete, kana kuti 551.

Izvi zvinotevera kubatwa kwevanhu makumi maviri nemumwe chete kana kuti 21 nechirwere ichi. Vanhu ava vakabva kuSouth Africa, Botswana neMozambique.

Vanhu vafa nechirwere ichi vachiri vatanhatu, vapora vave zana nemakumi maviri nevasere, kana kuti 128.

Kuwanda kwoita vari kubatwa necoronavirus uku kuri kuuya panguva isina kunaka munyika sezvo vashandi mubazi rezvehutano kusanganisira vanachiremba, vakoti nevamwe vari kuramwa mabasa.

Hatina kukwanisa kubata mukuru wesangano rinoona nezvevashandi ava reHealth Services Board, Dr Paulinus Sikosana, sezvo nharembozha yavo yange isiri kudairwa.

Mukuru weCommunity Working Group on Health, VaItai Rusike, vanoti hurumende inofanirwa kugadzirisa zvichemo zvavashandi vemuzvipatara.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, mashoko akatumirwa Studio 7 neChina manheru neAfrican Union achibva kuAfrica Centers for Disease Control and Prevention anoratidza kuti vanhu vanodarika zviuru mazana matatu nemakumi matatu nezvishanu, kana kuti 335 000 vabatwa nechirwere cheCovid-19 muAfrica yose.

Vanhu vashaya vadarika zviuru zvisere nemazana masere nemakumi mashanu nevatanhatu, kana kuti 8,856

Vanhu vapora vadarika zana nemakumi matanhatu ezviuru, kana kuti 160 thousand.

Johns Hopkins University yemuAmerica inoti huwandu hwevanhu vabatwa neCoronavirus pasi rose hwadarika mamiriyoni mapfumbamwe nezviuru mazana matanhatu nemakumi mashanu nezvishanu, kana kuti 9 million 655 thousand.

Pasi rose vanhu vafa nechirwere ichi vanodarika zviuru mazana mana nemakumi masere nezvisere, kana kuti 488, 000. Vapora vachidarika mamiriyoni mashanu nezviuru mazana maviri nemakumi mana nezvishanu, kana kuti 5 million 245 thousand.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG