Accessibility links

Breaking News

Vanoita Mabasa eMaoko Vochema Vachiti Havasi Kukosheswa neHurumende


Mbare Musika Coronavirus2
Mbare Musika Coronavirus2

Vanoita mabasa emaoko pamwe nekutengesa zvinhu mumigwagwa vanoti vari kuomerwa zvikuru kuti vawane mari yekunyoresa zviri pamutemo, kuitira kuti vatange kuita mabasa zvichitevera kumbomiswa kwavakaitwa nekuda kweCovid-19.

Izvi zvinotevera mashoko emutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, avo vakazivisa svondo rapera kuti vanozviitira mabasa avo emaoko kana kuti vari mu informal sector, vanofanira kugadzirira kushanda zvekare asi vachifanira kutanga vanyoreswa kuti vashande zviri pamutemo.

Mabhizimisi mazhinji aya ange akavharwa kubva musi wa 30 Kurume apo hurumende yakasimbaradza kurwisa chirwere cheCovid-19 ichiti vanhu vagare mudzimba.

Munyori mukuru musangano reZimbabwe Chamber of Informal Economy Associations, VaWisbon Malaya, vanoti zvimwe zviri kudiwa kuti vatange mabasa zviri kuvanetsa kunyange vatotanga havo kuchenesa nzvimbo dzavanoshandira.

Vanoti vari kuda kunzi vanyorese kumakanzura vopihwa marezinesi uye kuuya netsamba dzinoratidza kuti havasi kurwara. Izvi vanoti zvinoda mari yakawanda uye zviri kuvaremera sezvo vave nengiva vasiri kushanda.

Asi meya weguta reHarare VaHerbert Gomba vanoti makanzuru ange orasikirwa nemari yakawanda nekuda kwevanhu vasingabhadhare mitero vachizviitira mabasa avo.Vati vanotengesa mumigwagwa vanofanira kubhadhara mitero kuti kanzuru ikwanisewo kuita mabasa anovabatsira akafanana nekuvawanisa mvura nekugadzira migwagwa.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanoti vanozviitira mabasa avo emaoko ava ndivo vakabata hupfumi hwenyika sezvo vaine mari yakawanda iri kutenderera.

Mashoko aya atsinhirwawo nevanoongorora nyaya dzezvehupfumi, VaMasimba Kuchera, avo vanoti vanozviitira mabasa emaoko ava vanosimudzirawo hupfumi nekuwanisa vanhu mabasa.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachidzidzisa paDurban University of Technology, Muzvinafundo Gift Mugano, vanoti kunyangwe vanozviitira zvemaoko vakakosha, hurumende haina zvinobatika zvairi kuvabatsira nazvo.

VaMugano vanoti vanofanira kuvakirwa pakanaka pekushandira kuti vave nechidokwa dokwa chekubhadhara mitero.

Nyanzvi munyaya dzezvemabhanga, VaGilbert Muponda, vanoti zvakakosha kuti hurumende pahomwe yayakaumba yekubatsira vemabhizimisi inosvika mabhiriyoni gumi nemasere emadhora emunyika ibatsirewo vanozviitira mabasa emaoko ava.

Pari zvino vakawanda vange vachibvumidzwa kushanda ndevaya vanoita mabasa ekutengesa zvirimwa pamisika mikuru munyika.

Vamwe vakawanda vange vari kungoita hwakiti nagonzo nemapurisa.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG