Accessibility links

Breaking News

Mabhizimisi Okwereteswa Mari yeKumutsiridza Hupfumi Asi Vashandi Vachisiiwa paMhene


Muzvinafundo Mthuli Ncube
Muzvinafundo Mthuli Ncube

Bazi rezvemari raburitsa zvinodiwa nevemakambani kuitira kuti akwanise kutora zvikwereti zvemnari yekumutsiridza mabhizimisi avo awirwa nedambudziko rechirwere cheCovid-19.

Hurumende yakaumba homwe yemari inosvika mabhiriyoni gumi nemasere emadhora emuZimbabwe ichabatsira vemabhizimisi asi vanenge vachinotora zvikwereti kumabhanga hurumende ichipa chibatiso.

Vemabhizimisi ava vanonzi vanofanira kuve nemapepa ekuratidza kuti vari kubhadhara mitero uye kuti vari kushanda zviri pamutemo vaine marezenisi.

Nyanzvi munyaya dzemabhangaa vari nhengo yeZanu-PF, VaGilbert Muponda, vanoti ichi chirongwa chakanaka.

Asi VaMuponda vanoti chirongwa ichi chiri kusiya vamwe vakaita se vanozviitira mabasa avo emaoko.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanoti hurumende inenge yakatodya manonoko.

VaChitambara vatiwo kuti homwe iyi inyatsoshanda zvichati netsei nekuti dhora remunyika riri kuramba richishaya simba zvichapa kuti vemabhanga vatye kukweretesa mari.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachidzidzisa vachidzidzisa paDurban University of Technology, Muzvinafundo Gift Mugano, vanotiwo nyaya yekukwira kwemitengo yezvinhu inogona yokanganisa hurongwa hwehurumende uhu.

VaMugano vanoti pakashaikwa mari yekunze yekubatsira vemabhizimisi hupfumi hunowondomoka.

VaMuponda vanoti mari iyi inofanira kupihwa vanhu vanounza pundutso munyika zvikuru vanotengesa zvinhu kunze vounza madhora ekuAmerica ari kudiwa pari zvino.

Munyori mukuru musangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions, VaJaphet Moyo, vanoti sezviri kuitwa kune dzimwe nyika dzakaita seSouth Africa neAmerica, mushandi anodawo kupihwa mari yekubatsirikana.

Sangano reZimbabwe Coalition on Debt and Development riri kukurudzirawo kuti dare reparamende riongorore homwe iyi nekuti nguva zhinji mari idzi dzinobiwa.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakatanga kuzivisa nyika nezvemari iyi musi wa 1 Chivabvu apo vakatura mashoko kunyika vachitaura nezvechirwere cheCovid-19 nematanho avaizotora kumutsiridza hupfumi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG