Huwandu hwevanhu vafa nechirwere cheCovid-19 munyika huri kuramba huchikwira mushure mekunge vamwe vanhu vaviri vashaya vari muzvipatara kuBulawayo.
Vanhu vafa nechirwere ichi kusvika parizvino vasvika zviuru makumi matanhatu nevapfumbabwe kana kuti 69.
Nemusi weMugovera kwakaita huwandu hunotyisa hwevanhu vakabatwa nechirwere ichi apo vanhu mazana mana nemakumi mapfumbamwe kana kuti 490 vakabatwa nechirwere ichi mushure mekunge vavhenekwa.
Pavanhu vose ava kunze kwevashanu chete, vamwe vose vakabatwa nechirwere ichi munyika. Nyanzvi munyaya dzezvehutano Dr Brighton Chireka vanoti zviri pachena kuti chirwere chadzika midzi munyika.
Vanhu vavhenekwa chirwere ichi munyika vadarika zviuru zana nemakumi matatu nevaviri kana kuti 132, 000. Vanhu vabatwa nechirwere ichi vasvika zviuru zvitatu nemazana matanhatu nemakumi mashanu nemapfumbamwe kana kuti 3,659.
Pavanhu vashaya, Harare ndiyo ine vakawandisa vanosvka makumi matatu nemumwe ichiteverwa neBulawayo ine makumi maviri. Pamatunhu ose emunyika, Masvingo chete ndiro dunhu risina kana munhu mumwe chete ashaya.
Tichiri panyaya iyi, kunyangwe hazvo zvinhu zvasvika pakaipisisa panyaya yerkupararira kwechirwere checoronavirus, kuramwa mabasa kwevashandi vemuzvipatara kusanganisira vakoti navanachiremba kwave mumwedzi weChipiri kuri kuenderera mberi.
Nemusi weChishanu mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vachitaura kumarinda eHeroes Acre pakuvigwa kwegamba renyika VaPerrance Shiri vakakumbira vanachiremba kuti vadzokere kumabasa sevanhu vane chido chenyika yavo pamoyo. Vakati hurumende iri kuteerera zvichemo zvavo asi hazvifanire kugadziriswa vanhu vachifa.
Asi mutauriri wesangano ravanachiremba vakuru reSenior Hospital Doctors Association Dr Aaron Musara vanoti hurumende haina kana kubvira yataura navo kubva zvavatangawo kuramwa mabasa nemusi weChina.
Mutungamiri weZimbabwe Nurses Association VaEnoch Dongo vanotiwo kuramwa mabasa kuri kuendera mberi nekuti zvichemo zvavo hazvisi kugadziriswa.
Hatina kukwanisa kubata vakafanobata chigaro chegurukota rezvehutano VaAmon Murwira sezvo vange vasiri kudaira nharembozha yavo asi ivo negurukota rezvemari VaMthuli Ncube vakambovimbisa kugadzirisa nyaya yekuramwa mabasa kwevashandi vemuzvipatara.
Zvichakadaro, mashoko atumirwa Studio 7 neAfrican Union achibva kuAfrica Centers for Disease Control and Prevention anoratidza kuti vanhu vanodarika zviuru mazana mapfumbamwe nemakumi mana nevana kana kuti 944, 000 vabatwa nechirwere cheCovid-19 muAfrica.
Vafa vadarika zviuru gumi nezvipfumbamwe zvine mazana mapfumbamawe nemakumi maviri kana kuti 19, 920. Vapora vadarika zviuru mazana matanhatu nezviviri kana kuti 602, 000.
Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere checoronavirus pasi rose hwadarika mamiriyoni gumi memanomwe ane zviuru mazana mashanu kana kuti 17, 5 million.
Johns Hopkins University yemuAmerica iyo iri kuongorora kupararira kwechirwere ichi pasi rose inoti muAmerica ndimo mune vanhu vakawandisa vabatwa nekufa nechirwere ichi.
Vanhu vafa nechirwere ichi muAmerica vadarika zviuru zana ne makumi shanu nenomwe kana kuti 154, 000.
Pasi rose vanhu vafa nechirwere ichi vadarika zviuru mazana matanhatu nemakumi masere nemashanu kana kuti 685,000. Vapora pasi rose vachidarika mamiriyoni gumi nezviuru mazana mashanu kana kuti 10,5 million.
Facebook Forum