Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vabatwa neCovid-19 Vadarika Zviuru Zvishanu


Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere checoronavirus muZimbabwe hwadarika zviuru zvishanu zvine zana nemakumi manomwe nematanhatu kana kuti 5176.

Izvi zvinotevera kubatwa kwevanhu vanodarika zana nevana kana kuti 104 nechirewere ichi munyika neMugovera. Vanhu vaviri vakafa kuBulawayo neCovid-19 zvichireva kuti munyika yose, vanhu zana nemakumi matatu vafa nechirwere ichi. Vanhu vapora vanosvika zviuru zviviri nemakumi mana nemasere kana kuti 2047.

Kupararira zvakanyanya kuri kuita chirwere ichi kuri kuuya apo vakoti navanachiremba vave kupinda mumwedzi miviri vachiramwa mabasa vachinyunyuta nemari dzavari kutambiriswa uye kushaya zvikwanisiro zvekuzvidzivirira kubva kuchirwere checoronavirus.

Mukuru weHealth Services Board inoona nezvemashandiro avashanmdi vemuzvipatara Dr Paulinus Sikosana vaudza Studio 7 kuti ikozvino havasi pabasa nekudaro havakwanise kutaura nezvenyaya iyi.

Hatina kukwanisa kubata mutevedzeri wemutungamiri wenyika vari gurukota rezvehutano VaConstantino Chiwenga sezvo nharembozha yavo yange isiri kudairwa.

Asi nyanzvi munyaya dzezvehutano Enoch Mayida avo vakambotungamira chipatara cheChitungwiza vanoti huwandu hwwevanhu vabatwa nechirwere ichi hunogona kunge hwakakura nekuda kwekuti vamwe vari kufa vasati vavhenekwa.

Hurukuro naDr Enoch Mayida
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, mashoko atumirwa Studio 7 neAfrican Union achibva kuAfrica Centers for Disease Control and Prevention anoratidza kuti vanhu vanodarika miriyoni imwe chete nezviuru zana vabatwa nechirwere ichi muAfrica.

Vafa vadarika zviuru makumi maviri nemashanu ane mazana matatu nemasere kana kuti 25, 337. Vanhu vapora vadarika zviuru mazana masere nemakumi maviri nematatu kana kuti 823, 000.

Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere checoronavirus pasi rose hwadarika mamiriyoni makumi maviri nerimwe ane zviuru mazana mana kana kuti 21,4 million.

Johns Hopkins University yemuAmerica iyo iri kuongorora kupararira kwechirwere ichi pasi rose inoti muAmerica ndimo mune vanhu vakawandisa vabatwa nekufa nechirwere ichi.

Vanhu vafa nechirwere ichi muAmerica vadarika zviuru zana ne makumi matanhatu nemapfumbamwe kana kuti 169, 000. Brazil ine vanhu vafa vanodarika chiuru zana kana kuti 100,000 ndiyo inotevera America pandufu pasi rose.

Vanhu vafa nechirwere ichi pasi rose vadarika zviuru mazana manomwe nemakumi manomwe nerimwe kana kuti 771,000. Vapora pasi rose vachidarika mamiriyoni gumi nematatu ane zviuru mazana mana kana kuti 13,4 million

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG