Accessibility links

Breaking News

Professor Madhuku Vanoti Kudomwa kwaVaChiwenga Kuri paMutemo


VaEmmerson Mnangagwa naVaConstantino Chiwenga
VaEmmerson Mnangagwa naVaConstantino Chiwenga

Kudomwa kwakaitwa mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, kuti vave gurukota rezvehutano, kwasimudza zvakare mutauro munyika.

Vamwe vanoti mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakatyora bumbiro remitemo yenyika pavakati VaChiwenga vava gurukota rezvehutano, vachitora basa rakasiiwa naVaObadiah Moyo, avo vakadzingwa basa mushure mekupomerwa mhosva yekuita zvehuori.

Mutauriri weMDC Alliance, Muzvare Fadzai Mahere, vanyora padandemutande ravo reTwitter vachiti zvakaitwa naVaMnangagwa zvinotyora bumbiro remitemo yenyika rinoti kana uri mutevedzeri wemutungamiri wenyika, haukwanise kudomwa kuva gurukota zvekare.

Asi mutungamiri webato reNational Constitutional Assembly, uye vari nyanzvi munyaya dzebumbiro remitemo yenyika, Muzvinafundo Lovemore Madhuku, vanoti zvakaitwa naVaMnangagwa zviri pamutemo.

VaMadhuku vanoti patori nemutongo wekatarwa neConstitutional Court unoti mutungamiri wenyika anogona kugadza vatevedzeri vake kuva makurukota emapazi ehurumende, asi vachiramba vari vatevedzeri vemutungamiri wenyika.

Hurukuro naMuzvinafundo Lovemore Madhuku
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG