Dare remakurukota nezuro rakazivisa kuti harichatenderi makambani maviri ekuChina anoti Afrochine Energy neZimbabwe Zhongxin Coal Mining Group kuchera marasha kuHwange National Park mushure mekunge vanhu vakawanda vagunun’una nezvedanho iri.
Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti zvakakosha kuti varimi vasagarire badza mwaka uno kana nyika ichida kubuda mumadhaka mairi munyaya dzezvehupfumi sezvo ivhu riri musimboti webudiriro yenyika.
Bepanhau reHerald rinoti Zimbabwe neRussia dziri kuronga kudyidzana munyaya yekutsvaga mushonga wekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19 nezvimwe .
Huwandu hwevanhu vafa nechirwere cheCovid-19 munyika hwasvika pamazana maviri nevanomwe kana kuti 207 zvichitevera kufa kwemumwe munhu kuBulawayo neMugovera.
Nemusi weSvondo, nyika yakasvitsa gore kubva zvakafa vaimbove mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe kuSingapore uko vairapwa chirwere chegomarara.
Makambani maviri ekuChina anoti Afrochine Smelting neZhongxin Coal Mining Group anonzi akapihwa mvumo nehurumende yekutanga kutsvaga marasha muHwange National Park izvo zvokonzera kushushikana kukuru muvagari venzvimbo iyi nevanochengeta mhuka.
Hurumende neMuvhuro yakazivisa kuti ichadzosera mamwe mapurazi kuvarimi vachena senzira yekusimudzira nyaya dzekurima uye hupfumi hwenyika.
Bazi rezvehutano rinoti vanhu vatanhatu chete ndivo vakabatwa nechirwere cheCovid-19 munyika yose nezuro uye hapana kana mumwe chete akafa. Vanhu vakabatwa nechirwere cheCovid-19 ava vose havana nhoroondo yekumboshanya kunze kwenyika.
Broadcasting authority of Zimbabwe kana kuti BAZ yaburitsa mashoko ichiti pane makambani ane chitsama ari kutarisiswa kuti pakati pawo pazopihwa marezinesi matanhatu ekuti vatepfenyure paterevhizheni.
Munyori mukuru weMDC Alliance VaCharlton Hwende vanoti bato ravo ratanga ongororo yekuti sachigaro wemadzimai muWomen’s Assembly muBulawayo, Amai Tendai Masotsha vane chekuita here nekupambwa nekutochwa kwaVaTawanda Mucheiwa.
Nyaya yekuti munhu anenge asungwa anofanira kupihwa kana kuti kwete mukana wekubvisa mari yechibatiso iri pamuromo wevakawanda munyika zvichitevera kunyimwa kwemukana wekutongwa vachibva kumba kwevanhu vakati wandeyi.
Mumwe mutori wenhau, Jonisayi Maromo, uyo anoshandira Africa News Agency muPretoria kuSouth Africa, anoti ari kufara kuti akakwanisa kupora kubva muchirwere cheCovid-19.
Gavhuna weReserve Bank of Zimbabwe, VaJohn Mangudya, neChishanu vakaparura hurongwa hwavo hwepagore hwekushandiswa kwemari.
Sangano reZimrights riri kukurudzira nhaurirano kupedza matambudziko asangana nenyika iyo yobatwa seyakageza negokamunyama nedzimwe nyika dzepasi rino.
Gurukota rinoona nezvevashandi nemagariro akanaka evanhu Muzvinafundo Paul Mavima vanoti vana vose vekuMt Hampden pedyo neHarare vange vachichengetwa nagogo Onai Nhiwatiwa paruoko rwaMwari Children’s Trust vakadzoserwa kuvabereki vavo avo vave kubatsirwa nehurumende nechikafu.
Bazi rezvehutano rinoti vanhu vafa nechirwere cheCovid-19 munyika vave zana nemakumi mashanu nevashanu kana kuti 155 mushure mekunge vamwe vanhu vaviri vafa kuManicaland nemusi weSvondo.
Sangano rinorwira kodzero dzevanhu reZimRights rinoti riri kushushikana zvikuru nemamiriro aita zvinhu munyika kunyangwe hazvo hurumende iri kuramba kuti nyika yananga kumawere.
Chipatara cheSt Annes chavhurwa muHarare nhasi kuti chirape vanhu vanenge vabatwa nechirwere cheCovid-19 panguva iyo huwandu hwevanhu vari kufa nechirwere ichi huri kuramba huchikwira.
Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dziri kukurudzira hurumende kuti isimbaraze mabasa ekusimudzira makambani emunyika kuyedza kudzikisa mutengo wekukwira kwezvinhu kana kuti inflation uyo wananga kumawere zvekare.
Sangano revashandi re Zimbabwe Congress of Trade Unions rinoti riri kushushikana zvikuru nemitengo yezvinhu kana kuti inflation zvekuti hazvishamise vashandi vakaratidzira.
Rodhai zvimwe