Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yokurudzirwa Kusunga Dzisimbe Munyaya dzeKurima Kuti Imutsiridze Hupfumi


Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti zvakakosha kuti varimi vasagarire badza mwaka uno kana nyika ichida kubuda mumadhaka mairi munyaya dzezvehupfumi sezvo ivhu riri musimboti webudiriro.

Hupfumi gore rino haunawo kumira zvakanaka nekuda kwechirwere cheCovid-19 chapa kuti vakawanda vagare mudzimba.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa mwedzi wapera vakaparura chirongwa chekusimudzira mabasa ekurima vachiti vanoda kuti zvirimwa zviunze mari inodarika mabhiriyoni masere panosvika gore ra2025.

Kurima kunounza mari inosvika zvikamu gumi nezvishanu kubva muzana muhupfumi kana kuti Gross Domestic Product-GDP pagore.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachidzidzisa paDurban University of Technology Muzvinafundo Gift Mugano vanoti nyika inofanira kusimbaradza nyaya dzekurima kuti isarambe ichitambisa mari yekunze yaisina ichitenga zvinhu zvainokwanisa kurima.

Imwe nyanzi munyaya dzezvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe Doctor Prosper Chitambara vanoti hurumende inofanira kuvandudza zvinhu munyaya dzekurima yosimbaradza nyaya yemadiridziro kuti varimi vasangomirira kunaya kwemvura.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi VaVictor Bhoroma vanotiwo goho shoma remakore maviri apfuura rapa kuti vakawanda vanonge svosve nemuromo.

Asi VaBhoroma vanoti kuti zvifambe zvakanaka hapafanire kuitwa nyaya dzehuori uye zvematongerwo enyika pakugovera vanhu mbeu.

Makore apfuura, chirongwa chehurumende checommand agriculture hachina kufambiswa zvakanaka zvakapa kuti makambanani akaita seSakunda iyo yakatatarika kuudza dare reparamende kuti yainge yafambisa sei mari dzaifanira kutengerwa varimi zvikwanisiro sei.

Bhanga rinokweretesa mari reIMF rakayambirawo hurumende nezvekudyidzana neSakunda richiti zvaidzosera nyika kumashure sezvo zvisina kujeka.

Asi veSakunda vanoti vari kuzorwa mafuta enguruve yavasina kudya vachiti vakasimudzira nyaya dzekurima.

Vanhu zvikamu makumi matanhatu kubva muzana vanowana mabasa kubva mukurima kana makambani akarerekera kunyaya dzekurima.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG