Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yopa vekuChina Mvumo yeKuchera Marasha muHwange National Park


Makambani maviri ekuChina anoti Afrochine Smelting neZhongxin Coal Mining Group anonzi akapihwa mvumo nehurumende yekutanga kutsvaga marasha muHwange National Park izvo zvokonzera kushushikana kukuru muvagari venzvimbo iyi nevanochengeta mhuka.

Vanomirira kambani yeSustiGlobal, VaOliver Mutasa, vaudza Studio7 kuti kambani yavo ndiyo yakapihwa basa nemakambani aya kuti vaone kuti zvakakodzera here kuchera marasha munzvimbo iyi.

Vati vachataurawo nevose vane chekuita nenharaunda iyi vozonyora gwaro rine tsvakurudzo yavo.

Mumashoko kuvatori venhau, sangano rinochengeta mhuka reBhejane Trust rinoti vanhu vemakambani ekuChina ava vakambosungwa munzvimbo dzeSinamatela neRobins Camp pakati peHwange neVictoria Falls asi vakazodzoka vave nemapepa kubva kuhurumende ekuti vainge vaine mvumo yezvavari kuita.

Masango aya anochengetedzwa nebumbiro remitemo uye anochengeterwa zvipembere izvo zvatarisana nekutsakatika munyika nekuvhimwa zvisiri pamutemo.

Bepanhau reHerald rinomboburitsawo nyaya sedzekuNoron kuti mamwe makambani ekuChina haatevedzeri mitemo yekuchengetedza nharaunda nekusiya makomba uye kuzvibisa nzizi. Izvi zviri kuitikawo kuManicaland kuri kucherwa mangoda kuChiyadza zviri kusvibisa rwizi rukuru Save.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kugurukota rezvezvicherwa, VaWinston Chitando, kana rezvezviwanikwa ,VaMangaliso Ndlovu, sezvo vange vasati vapindura mibvunzo yatavatumira pataenda pamhepo.

Kuda kucherwa kwemarasha kuHwange National Park kuri kuuya apo sangano reEuropean Union riri kuti kupa hurumende yeZimbabwe mari kuchanetsa nenyaya yehuori kunyanya munyaya dzezvicherwa.

EU iri kushanda nemasangano akazvimriira kunyaya nekuda kwekushaya chivimbo nehurumende.

Mukuru wesangano rinorwira kodzero dzevanhu munzvimbo dzine zviwanikwa reCentre for Natural Resources Governance, VaFarai Maguwu, vanoti zviri kuitwa zvekuda kuchera marasha mumasango anochengetedzwa nemutemo zvinodzosera nyika kumashure.

Vanotiwo nyika dzakawanda dzakaregedza kare kushandisa marasha senzira yekugadzira magetsi nekuti anokanganisa hutano hwevanhu nemamiriro ekunze.

Hurukuro naVaFarai Maguwu
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG