Broadcasting authority of Zimbabwe kana kuti BAZ yaburitsa mashoko ichiti pane makambani ane chitsama ari kutarisiswa kuti pakati pawo pazopihwa marezinesi matanhatu ekuti vatepfenyure paterevhizheni.
Makambani aya anosanganisira AB Communications, Acacia Media group, Black Berry Zimbabwe, Channel dzeZimbabwe, heart and soul, Zimpapers Newspapers 1980 Ltd nemamwe. Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvekuburitwa kwemashoko Amai Monica
Mutsvangwa sezvo vange vasati vapindura mubvunzo wedu pataenda pamhepo. Asi vachinyora padandemutande ravo reTwitter, munyori mubazi ravo VaNick Mangwana vati marezinesi aya achapihwa muna Mbudzi.
Asi mukuru sangano rinoona nezvekodzero dzevatori venhau reMISA Zimbabwe VaTabani Moyo vanoti kupihwa kwemarezinesi munyika hakuna kujeka sezvo vanhu vakarerekera kuhurumende yeZanu-PF vari ivo chete vanowana mukana wekuti vatepfenyure.
Facebook Forum