Accessibility links

Breaking News

Bazi rezveHutano Rinoti neSvondo Hakuna Akafa neCovid-19 Uye Vatanhatu Chete Ndivo Vakabatwa neChirwere Ichi


Bazi rezvehutano rinoti vanhu vatanhatu chete ndivo vabatwa nechirwere cheCovid-19 munyika yose pavanhu vanodarika mazana matanhatu nevaviri kana 602 vavhenekwa uye hapana kana mumwe chete akafa. Vanhu vakabatwa nechirwere cheCovid-19 ava vose havana nhoroondo yekumboshanya kunze kwenyika.

Izvi zvave kureva kuti huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere ichi hwasvika pazviuri zvitanhatu zvine mazana mana negumi nevaviri kana kuti 6,412.

Huwandu hwevanhu vafa nechirwere cheCovid-19 munyika huchiri pazana nemakumi mapfumbamwe nevatanhatu kana kuti 196.

Vanhu vapora vanosvika zviuru zvishanu zvine makumi matanhatu nemumwe kana kuti 5, 061 zvichitevera kupora kwevanhu vashanu kuMashonaland East.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehutano nehama dzevafi dzinoti vamwe vanhu vari kufa vangadai vasiri kufa dai vashandi vemuzvipatara kusanganisira vakoti navanachiremba vasiri kuramwa mabasa.

Mutevedzeri wemutungamiri wenyika vari gurukota rezvehutano VaConstantino Chiwenga vari kukurudzira vashandi ava kuti vadzokere kumabasa zvichemo zvavo zvichizeyiwa asi zvinenge zvakona n’anga murapwa achida.

Sachigaro weHealth Services Board Dr Paulinus Sikosana vatendawo kuStudio 7 kuti hapana chati chafamba muhurongwa hwekuti vashandi mubazi rezvehutano vadzoke kumabasa.

Mutungamiri wesangano revakoti reZimbabwe Nurses Association VaEnoch Dongo vanoti havasi kuzodzokera kumabasa kusvika zvichemo zvavo zvagadziriswa.

Hurukuro naVaEnoch Dongo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, mashoko atumirwa studio 7 neAfrican Union achibva kuAfrica Centers for Disease Control and Prevention anoratidza kuti vanhu miriyoni imwe chete nezviuru mazana maviri kana kuti 1, 2 million vabatwa nechirwere ichi muAfrica.

Vafa vasvika zviuru zviri nemakumi mapfumbamwe nemazana mana nemakumi matatu kana kuti 29, 430. Vapora vave kuda kusvika zviuru mazana mapfumbamwe zvine makumi matanhau nemapfumbamwe kana kuti 969, 000.

Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere checoronavirus pasi rose hwadarika mamiriyoni makumi maviri nemashanu kana kuti 25 million. Johns Hopkins University yemuAmerica iyo iri kuongorora kupararira kwechirwere ichi pasi rose inoti muAmerica ndimo mune vanhu vakawandisa vabatwa nekufa nechirwere ichi.

Vanhu vafa nechirwere ichi muAmerica vadarika zviuru zana ne makumi masere nemaviri kana kuti 182,000.

Vafa pasi rose vachidarika zviuru mazana masere zvine makumi mana nematatu kana kuti 843, 000. Vapora vachidarika mamiriyoni gumi nematanhatu nezviuru mazana mana kana kuti 16, 4 million.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG