Accessibility links

Breaking News

Mumwe Munhu Ofa neCovid-19 kuBulawayo, Vanodarika Zana Vachibatwa neChirwere Ichi muHarare


Huwandu hwevanhu vafa nechirwere cheCovid-19 munyika hwasvika pamazana maviri nevasere kana kuti 208 zvichitevera kufa kwemumwe munhu kuBulawayo neSvondo.

Vanhu vabatwa nechirwere ichi vasvika zviuru zvinomwe nezana rine gumi nevatanhatu kana kuti7, 116.

NeSvondo vanhu zana nemakumi matatu nemapfumbamwe kana kuti 139 vakanzi vabatwa nechirwere ichi zana nemakumi maviri nevana kana kuti 124 vari vemuHarare.

Asi bazi rezvehutano rinoti vamwe vanhu ava vainge vavhenekwa kare asi vasati vaziviswa zvainge zvabuda kwemazuva akati wandei. Vanhu vapora zviuru zvishanu nemazana matatu nemakumi manomwe nevatatu kana kuti 5, 373.

Nyanzvi munyaya dzezvehutano uye vakambotungamira chipatara chechitungwiza central hospital dr enoch mayida. zvichakadaro, mashoko atumirwa Studio 7 neAfrican Union achibva kuAfrica Centers for Disease Control and Prevention anoratidza kuti vanhu vanodarika miriyoni imwe chete nezviuru mazana ma`viri kana kuti 1, 2 million vabatwa nechirwere ichi muAfrica.

Vafa vasvika zviuru makumi matatu nechimwe zvine makumi mashanu nevatanhatu kana kuti 31, 056. Vapora vadarika miriyoni imwe chete. Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere checoronavirus pasi rose hwadarika mamiriyoni makumi maviri nematanhatu nezviuru mazana mapfumbamwe kana kuti 26, 9 million.

Johns Hopkins University yemuAmerica iyo iri kuongorora kupararira kwechirwere ichi pasi rose inoti muAmerica ndimo mune vanhu vakawandisa vabatwa nekufa nechirwere ichi.

Vanhu vafa nechirwere ichi muAmerica vadarika zviuru zana zvine mazana masere nemasere kana kuti 188,000. Vanhu vafa pasi rose vasvika zviuru mazana masere ane makumi masere kana kuti 880, 000.

Vapora vachidarika mamiriyoni gumi nemanomwe ane zviuru mazana mapfumbamwe kana kuti 17, 9 million.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG