Accessibility links

Breaking News

Amai Masotsha veMDC Alliance Voramba Nyaya yeKuti Vakashanda neVasori Mukutochwa kwaMucheiwa


Munyori mukuru weMDC Alliance VaCharlton Hwende vanoti bato ravo ratanga ongororo yekuti sachigaro wemadzimai muWomen’s Assembly muBulawayo, Amai Tendai Masotsha vane chekuita here nekupambwa nekutochwa kwaVaTawanda Mucheiwa vanova muzukuru wemutori wenhau, Mduduzi Mathuthu.

Izvi zvinotevera mashoko akataurwa naVaMucheiwa avo vakapambwa nevanofungidzirwa kuti vasori muBulawayo ekuti Amai Masotsha vanogona kunge vaine chekuita nezvekupambwa kwavo.

VaMucheiwa vanoti vakashamisika kuti sei Amai Masotsha vasinawo kusungwa ivo vari ivo vaida kuvapa mapepa ekukurudzira kuratidzira musi wa 31 Chikunguru.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvevasori VaOwen Ncube sezvo nharembozha yavo yange isiri kudairwa.

Asi Amai Masotsha vanoti kana ivo vakambosungwa nemapurisa ndokuzorohwa nevanofungidzirwa kuti vasori.

Hurukuro naAmai Tendai Masotsha
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG