Accessibility links

Breaking News

Chipatara cheSt Annes Chovhurwa Kubatsira Vane Covid-19 Apo Vofa neChirwere Ichi Vowanda


Chipatara cheSt Annes chakavhurwa muHarare neChitatu kuti chirape vanhu vanenge vabatwa nechirwere cheCovid-19 panguva iyo huwandu hwevanhu vari kufa nechirwere ichi huri kuramba huchikwira.

NeChipiri bazi rezvehutano rakazivisa kuti vanhu vatanhatu vakafa muHarare nekuda kwechirwere ichi zvichireva kuti vanhu zana nemakumi mana nemumwe, kana kuti 141, vafa nechirwere ichi kusvika pari zvino.

Vanhu vabatwa nechirwere ichi munyika yose vave zviuru zvishanu nemazana matatu ane makumi manomwe nevasere, kana kuti 5,378.

Vanhu zviuru zvina nezana nevashanu, kana kuti 4, 105 vapora kubva kuchirwere ichi.

Kukwira kwehuwandu hwevanhu vari kufa nechirwere ichi kuri kuuya apo vashandi vemuzvipatara zvehurumende kusanganisira vakoti navanachiremba vari kuenderera mberi nekuramwa mabasa nenyaya yemihoro nekushaya zvikwanisiro.

VeSolidarity Trust Zimbabwe kana kuti Sotzim avo vakatsvaga mari yekuvhura St Annes vanoti chipatara ichi chichabatsira zvikuru kurwisa denda reCovid-19. Pane mibhedha inosvika zana pachipatara ichi.

Asi vamwe vakuru mubazi rezvehutano vaudza Studio 7 kuti chipatara ichi ndechevakuru vakuru muhurumende nemuchiuto neshoroma nekuti chinodhura.

Munhu anotoda kutanga asuma chiremba odaidzwa asati aendako.

Vachipikisa izvi mumashoko kuvatori venhau, varidzi vechipatara ichi veCatholic Church kuburikidza nechita cheSisters of the Little Company vachishanda neSotzim vanoti munhu wose akasungunuka kuendako kusanganisira vashandi mubazi rezvehutano.

Munyori mukuru wesangano reZimbabwe Medical Association mudunhu reMashonaland uye vakambova mukuru weChipatara cheChitungwiza Dr Enoch Mayida vanoti zvakakosha panguva ino kuti hurumende ishande nevasandi vayo mubazi rezvehutano kugadzirisa zviri kunetsa kuti kurwisa Covid-19 kuve nyore.

Tichiri panyaya iyi, neChipiri, mutevedzeri mutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, vanova gurukota rezvehutano vakapa hurumende michina inovheneka kupisa kana kudziya kwemuviri uye kupfapfaidza mushonga wekuuraya mavirus anokonzera Covid-19 pamuviri wemunhu asati apinda mumahofisi ehurumende.

Hurukuro naDr Enoch Mayida
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG