Gavhuna weReserve Bank of Zimbabwe, VaJohn Mangudy,a neChishanu vakaparura hurongwa hwavo hwepagore hwekushandiswa kwemari.
Kunyange nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzakawanda dziri kutambira hurongwa uyu, vakawanda vanoti panoda garwa rakajeka kuitira kuti hupfumi hugadzirike.
Chinangwa chaVaMangudya ndechekusimbaradza dhora remunyika range roramba richishaya simba.
Kunyange hazvo vakawanda vachiti Zimbabwe ikazvipira inokwanisa kubuda mumadhaka mairi munyaya dzezvehupfumi, vamwe vanoti nyika inenge huku yemurombo inokandirira mazai mumuti.
Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi inodzidzisa paDurban University of Technology, Muzvinafundo Gift Mugano, vanoti pane zvakanaka nezvekaipa pane zvakaparurwa nmaVaMangudya.
VaMugano vati hurongwa hwavo hwekusimbaradza musika wekutengeswa kwemari wakanaka sezvo uchiunza kugadzikana munyika.
Asi vati havatenderane nehurongwa hwekuomesera makambani enharembozha anoitawo mamwe mabasa anoitwa nemabhanga akaita seEconent neNet One kuti asashande semabhanga achiwanisa vanhu mari.
Vati kushomeka kwemari munyika uye kushaya simba kwedhora remunyika kunopa kuti zviomere veruzhinji. Vatiwo vari kumamisha vapinda panguva yakaoma
Asi nyanzvi munyaya dzezvemabhanga, VaGilbert Muponda, vanoti vanotambira hurongwa hwekuomesera makambani enharembozha vachiti ange okurudzira kutengeswa kwemari pamukoto zvange zvokanganisa hupfumi hwenyika.
Asi VaMuponda vatiwo zvakakosha kusimbaradza nyaya yekurima senzira yekusimbaradza hupfumi vachiti nyika iri kupedza mari yekunze yakawanda ichitenga zvinhu zvinogona kurimwa kana kugadzirwa munyika.
Imwe nyanzvi munyaya dzezvepfumi, VaVictor Bhoroma, vanoti hurongwa hwakaparurwa naVaMangudya hwakanaka vachiti zvikashanda zvichapa kuti mitengo yezvinhu iderere asi ndokunge hurumende yasimbaradza nyaya yekugadzira zvinhu zvekutengesa kunze kwenyika.
VaBhoroma vatiwo pane zvimwe zvinoda kuitwa kuti vanhu vave nechivimbo nehurongwa hweRBZ uhu vachiti chitsvambe chiri kbhanga iri kuti riratidze kuti rinoshandisa mari yekunze zvisina huori.
Zimbabwe yakatarisana nematambudziko makukutu munyaya dzezvehupfumi kusanganisira kushaikwa kwemari, magetsi, mvura nezvimwe.
Matambudziko aya awedzerwawo nenyaya yechirwere cheCovid-19 icho charura pasi rose.
Facebook Forum