Accessibility links

Breaking News

ZCTU Yoyambira Kumwe Kuratidzira Sezvo Mitengo Yoita Chamurambamhuru


Munyori mukuru weVaJaphet Moyo nemutungamiri wesangano iri VaPeter Mutasa
Munyori mukuru weVaJaphet Moyo nemutungamiri wesangano iri VaPeter Mutasa

Rimwe sangano revashandi re Zimbabwe Congress of Trade Unions kana kuti ZCTU rinoti riri kushushikana zvikuru nemitengo yezvinhu kana kuti inflation zvekuti hazvishamise vashandi vakaratidzira.

NeMugovera sangano reZimbabwe National Statistics Agency kana kuti Zimstats rakazivisa kuti mitengo yezvinhu kana kuti inflation yakwira kusvika pamazana masere nemakumi matatu nemanomwe kubva muzana kana kuti 837, 53%.

Muna Chikumi mitengo yezvinhu yaive pazvikamu mazana manomwe nemakumi matatu nemanomwe kubva muzana kana kuti 35, 53%.

Gurukota rinoona nezvevashandi, Muzvinafundo Paul Mavima vanoti nhaurirano dzemihoro dziri paviri, kuTripartite Negotiating Forum dzinobata nyika yose, asi dzimwe dzinoitwa kumaindustry nemaNational Employment Councils.

Hurukuro naMuzvinafundo Paul Mavima
please wait

No media source currently available

0:00 0:00:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Munyori mukuru weZCTU VaJaphet Moyo vanoti mushandi aomerwa nezvinhu zvekuti havashamisike akatanga kuratidzira.

Hurukuro naVaJaphet Moyo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Sezvo tisina kusimbira divi rimwe chete setsvimbo, tabatawo mutungamiri wesangano revashandirwi reEmployers Confederation of Zimbabwe kana kuti EMCOZ Doctor Israel Mure avo vati vanoda kuwedzera vashandi mari asi vari kutatarikawo nekushaya mari sezvo makambani asiri kushanda nemazvo nekuda kwechirwere checoronavirus.

Hurukuro naDoctor Israel Murefu
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG