Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzinoti Hupfumi hweZimbabwe Hwonanga Kumakore eKare Aikwira Mitengo Katatu paZuva


Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dziri kukurudzira hurumende kuti isimbaraze mabasa ekusimudzira makambani emunyika kuyedza kudzikisa mutengo wekukwira kwezvinhu kana kuti inflation uyo wananga kumawere zvekare.

NeMugovera bazi reZimbabwe National Statistics Agency kana kuti Zimstats rakazivisa kuti mitengo yezvinhu kana kuti inflation yakwira kusvika pazvikamu mazana masere nemakumi matatu nemanomwe kubva muzana kana kuti 837, 53%.

Muna Chikumi, mitengo yezvinhu yaive pazvikamu mazana manomwe nemakumi matatu nemanomwe kubva muzana kana kuti 35, 53%. Izvi zvinorevei? Tabvunza nyanzvi munyaya dzezvemabhanga VaGilbert Muponda vanoti kushaya simba kwedhora remunyika kuri kupa kuti mitengo ikwire zvakanyanya.

Asi pane zviri kuitwa here nehurumende kuona kuti hupfumi hwagadzirika? VaMuponda vanoti hurumende iri kuyedza kusimudzira mabasa ezvicherwa asi vachiti zvinoda kusimbaradzwa.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi VaVictor Bhoroma vanoti kutengwa kwemafuta nedhora rekuAmerica kuri kupawo kuti mitengo iite chamurambamhuru.

Nyanzvi munyaya dzezveupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Research Institute of Zimbabwe Dr Chitambara vanoti mitengo zvikuru pamwedzi ikakwira kusvika pazvikamu makumi mashanu kubva muzana kwemwezdi yakati wandei Zimbabwe inenge yadzokera kumakore ekuma 2007 na2008 apo mitengo yezvinhu yaikwira katatu pazuva kana kuti hyperinflation.

Munyori mukuru mune rimwe sangano revashandi reZCTU VaJaphet Moyo vanoti havana chivimbo neZimstats vachiti kuda kuteerera zvairi kuburitsa kuchengetesa bere chitunha.

Vanoti mitengo yezvinhu inogona kunge yakawedzer kudarika zviri kutaurwa nebazi iri. VaMoyo vati Zimbabwe yave kutoteverana neVenezuela panyaya yekukwira kwemitengo yezvinhu.

Inflation yekuVenezuela parizvino iri pazvikamu zviuru zvina kubva muzana kana kuti 4,000 percent. Nyika iyi neZimbabwe ndidzo dzazezesa pasi rose munyaya dzekukwira kwemitengo yezvinhu kana kuti inflation.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG