Bepanhau reHerald rinoti Zimbabwe neRussia dziri kuronga kudyidzana munyaya yekutsvaga mushonga wekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19 nezvimwe .
Izvi zvinotevera kupihwa nemusi weSvondo, kweZimbabwe zvikwanisiro zvekudzivirira kupararira kwechirwere checoronavirus nemishonga neRussia nemumiriri wenyika iyi muZimbabwe VaNikolai Krasilnikov.
Vachitambira zvipo izvi, VaMangwiro vakatenda Russia vakati Zimbabwe inoda chose kudyidzana nenyika iyi munyaya dzemishonga.
Asi dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehutano dzinoti Zimbabwe inofanira kungwarira mishonga inobva kuRussia iyo yakazviti yawana nhomba yekurapa Covid-19 inonzi Sputnik-V.
Asi nyika dzakawanda dzinosanganisira Germany, France, Spain neAmerica dzinoti nhomba iyi yakangoitwa zvechimbi chimbi pasina kutevedzera zvose zvinodiwa. Bazi reUnited Nations reWorld Health Organization rinotiwo richiri kuda kuongorora mushonga uyu. Russia iri kuti hayo nyika idzi dziri kuita godo.
Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvehutano VaConstantino Chiwenga kuti tinzwe kuti Zimbabwe yakapihwa mushonga upi sezvo nharembozha yavo yange isiri kudairwa.
Mukuru wesangano rinorwira kodzero dzevanhu munyaya dzezvehutano reCommunity Working Group on Health VaItai Rusike vanoti Zimbabwe haifanire kungobvuma mishonga kubva kuRussia pasina kunyatsotsvakurudza nezvemishonga yacho.
Facebook Forum