Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vosvitsa Gore Vashaya Asi Matongero Avo Achingounza Kusabatana


Nemusi weSvondo, nyika yakasvitsa gore kubva zvakafa vaimbove mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe kuSingapore uko vairapwa chirwere chegomarara.

VaMugabe vakashaya mushure mekunge vabviswa pachigaro muna Mbudzi 2017 nemauto ayo aitsigira vaive mumwe mutevedzeri wavo panguva iyi, VaEmmerson Mnangagwa.

Asi mukurarama nemurufu, VaMugabe vanounza kupokana pamaonero nehutongi hwavo.

Mutauriri webato rinopokisa reNational Patriotic Front VaJealousy Mawarire vanoti VaMugabe raive gamba uye zvavakarwira zvave kudzoserwa kumashure nevakavabvisa pachigaro nechisimba avo vavanoti vave kudzosera minda kuvachena.

Hurukuro naVaJealousy Mawarire
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Izvi zvinotevera mashoko egurukota rezvemari VaMthuli Ncube ekuti vamwe varimi vachena vakatorerwa minda vakasungunuka kunyorera hurumende kuti vapihwe minda.

Asi nhengo yeZanu-PF vachimirira Makonde mudare reparamende VaKindness Paradza vanoti handi chokwadi kuti minda iri kudzoserwa kuvachena naVaMnangagwa vachiti vashoma vainge vaine minda yaive pasi pezvibvumirano nedzimwe hurumende ndivo vachadzoserwa mapurazi.

Hurukuro naVaKindness Paradza
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vachiita zvidzidzo zvepamusoro soro paUniversity of Johannesburg Doctor Pedzisayi Ruhanya vanoti VaMugabe kunyangwe paine zvimwe zvakanaka zvavakaita sekurwira rusungunuko rwenyika, vakatungamira kutyorwa kwekodzero dzevanhu zvakanyanya apo nyika yakawana kuzvitonga kuzere.

VaRuhanya vapa semuenzaniso nyaya yeGukurahundi yakasiya vanhu vanofungidzirwa kuti vanodarika zviuru zviviri vashaya kuMatabelaland neMidlands mauto achipomerwa mhosva yekuvaponda.

Hurukuro naDoctor Pedzisayi Ruhanya
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutauriri waVaMnangagwa, VaGeorge Charamba vanoti iyi yaive hondo kunyangwe vakawanda vanorwira kodzero dzevanhu vachiti hakuna hondo inorwisa nemauto nevanhu vasina pfuti.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG