Accessibility links

Breaking News

Nyaya Yekuti Ndiyani Anopihwa Mukana weKubvisa Mari yeChibatiso Yokonzera Mutauro Munyika


Mutungamiri weTransform Zimbabwe VaJacob Ngarivhume

Nyaya yekuti munhu anenge asungwa anofanira kupihwa kana kuti kwete mukana wekubvisa mari yechibatiso iri pamuromo wevakawanda munyika zvichitevera kunyimwa kwemukana wekutongwa vachibva kumba kwevanhu vakati wandeyi.

Vanyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso vanoisanganisira mutungamiri weTransform Zimbabwe, VaJacob Ngarivhume; mumiriri weZengeza West mudare reparamende, VaJob Sikhala veMDC Alliance, kanzura webato MDC Alliance kuMasvingo, VaGodfrey Kurauone; uye mutori wenhau, Hopewell Chin’ono nevamwe.

Vanoona nezvemafambiro edare reparamende uye nyaya dzebumbiro remitemo veVeritas vanoti kusungwa kwemunhu hakurevi kuti ane mhosva nekudaro anofanira kupihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso munguva zhinji.

Izvi sangano iri rinoti zvinoitirwawo kuti munhu akwanise kuwana nguva negweta rake uye kuchengeta munhu mujeri kunodhurira nyika.

Bumbiro remutemo pachikamu chechimakumi mashanu section 50 (1) (d) rinoti munhu asungwa anofanira kusungunurwa akamirira kutongwa kunze kwekunge paine zvikonzero zvakati tsvikiti zvekuti arambe ari muhusungwa.

Mushandi mukuru wezvekuburitswa kwemashoko muZanu-P, VaTafadzwa Mugwadi, vanoti hurumende haipindire munyaya dzezvematare.

Asi mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatywayo, vanoti mutemo muZimbabwe unotarisa kuti wabuda mumba maani.

Hurukuro naVaTafadzwa Mugwadi naVaClifford Hlatywayo
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG