Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoti Yaendesa Vana vekuMt Hampden Kuvabereki Vavo


Vana vaichengetwa naGogo Nhiwatiwa
Vana vaichengetwa naGogo Nhiwatiwa

Gurukota rinoona nezvevashandi nemagariro akanaka evanhu Muzvinafundo Paul Mavima vanoti vana vose vekuMt Hampden pedyo neHarare vange vachichengetwa nagogo Onai Nhiwatiwa paruoko rwaMwari Children’s Trust vakadzoserwa kuvabereki vavo avo vave kubatsirwa nehurumende nechikafu.

VaMavima vanotiwo vakataura nekanzuru yeZvimba Rural kuti iwanire madzimai aya nzvimbo yekuvakira musha wekuchengeta nherera kana vanyoreswa zviri pamutemo.

Vana munzvimbo iyi vanonzi vari kunonga svosve nemuromo vamwe vachiroodzwa vari vadiki uye vakawanda vari kukundikana kuenda kuchikoro. Nzvimbo iyi yakazara zvitangwena uye vakawanda havashande.

Asi vamwe vane ruzivo nezviri kuitika vanoti bazi rezvemagariro evanhu riri kutatarika kuti ribatsire vana ava.

Pakamboendawo mutori wenhau weStudio 7 Kiri Mudzamiri kunzvimbo iyi mwedzi wapera, gogo Nhiwatiwa avo tisina kukwanisa kubata pataenda pamh vakati vaingoda rubatsiro kwete kutorerwa vana ava.

Mashoko aAmai Onai Nhiwatiwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Asi vachitaura neStudio 7, VaMavima vanoti dambudziko iri ragadziriswa uye vakurudzira gogo Nhiwatiwa kuti vanyorese zviri pamutemo.

Hurukuro naVaPaul Mavima
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG