Accessibility links

Breaking News

Zimrights Yokuridzira Nhaurirano Kupedza Matambudziko Atarisana neNyika


VaNelson Chamisa naVaEmmerson Mnangagwa

Sangano reZimrights riri kukurudzira nhaurirano kupedza matambudziko asangana nenyika iyo yobatwa seyakageza negokamunyama nedzimwe nyika dzepasi rino.

Kunyangwe hazvo mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemakurukota avo vari kuti munyika hamuna dambudziko, vanopikisa, vanorwira kodzero dzevanhu, hurumende yeSouth Africa, African Union neUnited Nations vanoti zvinhu hazvina kumira zvakanyaka zvachose.

Vakawanda vanopikisa kusanganisira mutungamiri weTransform Zimbabwe VaJacob Ngarivhume, mutevedzeri wasachigaro weMDC Alliance VaJob Sikhala, kanzura webato iri kuMasvingo VaGodfrey Kurauone, mutori wenhau VaHopewell Chin’ono vari mujeri.

Vamwe vanopikisa vakawanda vari muhupoteri vachivhimwa nevasori. Mukuru weZimrights VaDzikamai Bere vaudza Studio 7 kuti panoda nhaurirano kupedza matambudziko akatarisana nenyika kusanganisira nyaya yenzara yasiya vanhu vanoda kusvika mamiriyoni masere vasina chikafu, kusagadzikana munyaya dzezvematongerwo enyika uye hupfumi.

Hurukuro naVaDzikamai Bere
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG