Accessibility links

Breaking News

ZimRights Inoti Kutyorwa kweKodzero dzeVanhu Kuri Kurongwa Kubva Kuvakuru Vakuru muHurumende


Zimbabwe President Emmerson Mnangagwa Declares Coronavirus National Disaster
Zimbabwe President Emmerson Mnangagwa Declares Coronavirus National Disaster

Sangano rinorwira kodzero dzevanhu reZimRights rinoti riri kushushikana zvikuru nemamiriro aita zvinhu munyika kunyangwe hazvo hurumende iri kuramba kuti nyika yananga kumawere.

NeChitatu mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakati pane vanhu vari kuda kuparadza bato ravo asi vari kukundikana.

Mashoko ayanotevera kushorwa kuri kuitwa Zimbabwe nemasangano anorwira kodzero dzevanhu munyika nekunze kusanganisirawo, hurumende yeSouth Africa, African Union munyori mukuru weUnited Nations, VaAntonio Guterrez, vaive gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica, Amai Hillary Clinton, uye kereke yeRoma yakanyora tsamba yenyunyuto kuhurumende.

Asi vachipindura veRoma ava, VaMnangagwa vakaudza musangano webato ravo wePolitburo muHarare kuti kana vemakerereke ava vachida kuita zvematongerwo enyika vanofanira kupinda mudariro.

Gururukota rezvemitemo, VaZiyambi Ziyambi, vakaudzawo vatori venhau muHarare neChitatu kuti gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika VaSibusiso Moyo vachaitawo musangano nemumiriri wemukuru weRoma kana kuti Pope muZimbabwe, VaPaolo Rudelli, kuti vavaudze kuti havana kufara nekushora kwavanoti vakaita hurumende yeZimbabwe mutsamba yavo yaishora nyaya dzekutyorwa kwekodzero dzevanhu.

VaZiyambi vanotiwo mabhishopu eRoma akareva nepasipo apo akati munyika mune matambudziko sezvo vachiti hamuna.

Mashoko aVaZiyambi Ziyambi
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi mukuru weZimRights VaDzikamai Bere, vanoti munyika muri kutyorwa kodzero dzevanhu kutodarika zviri kutaurwa mumapepanhau.

Vatiwo zviri kuratidza kuti kutyorwa kwekodzero dzevanhu kuri kurongwa kubva kumusoro vachiti matare nemapurisa arimowo mukumbunyikidza vanhu.

Hurukuro naVaDzikamai Bere
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG