Accessibility links

Breaking News

Nyaya yeKudzosera Mimwe Minda Kuvachena Younnza Kusawirirana Munyika


Mutungamiri weCFU VaAndrew Pascoe nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa.
Mutungamiri weCFU VaAndrew Pascoe nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa.

Hurumende neMuvhuro yakazivisa kuti ichadzosera mamwe mapurazi kuvarimi vachena senzira yekusimudzira nyaya dzekurima uye hupfumi hwenyika.

Asi nyaya iyi yakonzera mutauro wakanyanya vamwe vachiti zviri kuratidza kuti hurongwa hwehurumende hwekugovera ivhu kuvatema hwakundikana asi vamwe vachiti zvichabatsira nyika kukwezva vemabhizimisi vekunze vange votya kuti hupfumi hwavo hunogona kupambwa munyika.

Vamwe muhurumende vanotiwo zvimwe zvirango zvavanoti zvakatemerwa nyika nenyaya yevhu, zvichabviswa kana vachena vakapihwa minda.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinotenderana kuti musimboti hwehupfumi hwenyika huri mukurima.

Asi nyaya yevhu inyaya inounza kukandirana makobvu nematete munyika zvikuru pakuti ndiyani ane kodzero yekurima uye vachena vanofanira kuripwa here kana madzitateguru akatorerwa minda asina chaakapihwa.

Gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, uye gurukota rezvekurima, Doctor Anxious Masuka, vakaudza vatori venhau kumahofisi ehurumende eMunhumutapa muHarare kuti hurumende panguva yakakodzera ichazotora mimwe minda kubva kuvatema ichipa vamwe varimi vachena vakambotorerwa mapurazi aya kubva muna 2000.

Varimi ava vari kupihwa minda kwemakore makumi mapfumbamwe nemapfumbamwe, kana kuti 99 year lease.

Mukuita izvi VaNcube vakati chido chehurumende ndechekusimudzira mabasa ekurima.

Ko danho rehurumende iri rinorevei chaizvo?

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi inodzidzisa paDurban University of Technology, Muzvinafundo Gift Mugano, vanoti zvakanaka kuremekedza midziyo nehupfumi hwevanhu asi Zimbabwe haina mari yekubhadhara varimi vachena ava.

Zimbabwe gore rino yakanyorerana chibvumirano nevarimi vachena kuti vapihwe mari yemuripo inosvika mabhiriyoni matatu nezviuru mazana mashanu zvemadhora ekuAmerica, kana kuti US$3,5 billion chinonzi Global Compensation Deed kana kuti GCD.

Mari iyi ndeyezvikwanisiro zvekurima uye zvivakwa zvakatorerwa varimi vachena ava.

Asi vanoongorora nyaya dzezvehupfumi, VaRejoice Ngwenya, vanoti zvakakosha kuchengetedza kodzero dzevanhu vanenge vauchika mari munyika zvisinei kuti vachena kana kuti vatema.

Asi vati pane zvirehwa rehwa zvakaita sekungonyorwa kwezvinhu izvi pabepa kwete mubumbiro remitemo.

Nyanzvi munyaya dzezvemabhanga vari munyori anoona nezvedzidzo mudunhu reHarare mubato reZanu-PF, VaGilbert Muponda, vanoti hapana chakaipa chaitwa nehurumende sezvo zviri mubumbiro remutemo kuti varimi vachena varipwe.

VaMuponda vanoti izvi zvakakosha nekuti zvinobatsira kugadzirisa hukama pakati peZimbabwe nedzimwe nyika dzainge dzatemera vamwe vatungamiri muhurumende zvirango.

Nyaya yekugadzirisa kunetsana panyaya yevhu inyaya yakasimudzwa nehurumende yeAmerica sechimwe chainoti inoda kuti chiitwe kuti zvirango zvibviswe.

Vanoongorora nyaya dzezvehupfumi, VaMasimba Kuchera, vanoti hurumende iri kuita izvi pari zvino nekuda kwekuti hurumende yave kushorwa pasi rose nekutonga nedemo.

Vanotiwo kudzosera vachena mari munongedzo wekuti zvirongwa zvakaita se Command Agriculture zvakundikana.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvekurima nehupfumi dzinoti nyaya yehuori ndiyo yasvitsa nyika pairi ikozvino nekuti mari dzaifanira kupihwa varimi kuburikidza nezvirongwa zvakaita se Command Agriculture hadzina kufambiswa zvakanaka uye vamwe varimi vane minda yakawandisa zvopa kuti vagarire badza nenyaya yehuori.

Makambani akaita seSakunda akanzi aite basa iri asi asingatevere mitemo yenyika pakupihwa basa uye asina kuropafadzwa nedare reparamende.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:07:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG