Vachitaura nevatori venhau pamuzinda webato reZanu PF nhasi, munyori anoona nezvemari muZanu PF, VaPatrick Chinamasa, vati komiti iyi ichange ichitungamirirwa namuzvinabhizimusi uye vari nhengo yeCentral Committee muZanu PF, VaPhillip Chiyangwa.
Zimbabwe yatambira nhasi nhomba dzeSinopharm mazana masere ezviuru 800,000, uye dzimwe nhomba dzeSinopharm zviuru mazana manomwe 700,000 dziri kutarisirwa kusvika munyika mangwana dzichibva kuChina.
Kukwira kwemitengo yezvinhu kana kuti inflation uko kwange kuri pazvikamu zvinodarika zana kubva muzana kwemakore maviri adarika kwave nani kunyange hazvo Zimbabwe ichiri panyika ina dzine mitengo yezvinhu iri kukwira zvakanyanyisa pasi rose.
Zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika, zvikuru zviri muno muAmerica, zvakabatana nemusi weSvondo mukunamatira Zimbabwe, Africa pamwe nepasi rose munguva ino yemudambudziko reCovid-19.
Dare remakurukota rakasunga nezuro kuti mutemo wekudzivirira kupararira kweCovid-19, weLevel 4 Lockdown, urambe uripo sezvo huwandu hwevanhu vari kubatwa pamwe nekufa neCovid-19 huri kuramba huchikwira.
Chokuda anoti, takatarisa izvi, sei vemakereke vachituka nekuseka n’anga vachiti n’anga dzinoshandiswa nemweya yakaipa asi, nedzimwe nguva, n’anga idzi dzichibatsira vanhu zvatinoona nemaziso edu.
Vachipa humbowo maererano nemafambiro ari kuita chirongwa chekubaya vanhu nhomba yeCovid-19 kuparamende, munyori mubazi rehutano, Dr Jasper Chimedza, vati zvipatara nemakirinika zvave kuremerwa sezvo zvichifanirawo kurapa zvimwe zvirwere zvisiri Covid-19.
Nyanzvi yakatungamira tsvagurudzo iyi muZimbabwe, Doctor Nyaradzo Mgodi, vaudza Studio7 kuti Dapivirine Ring ichashandiswa nevanhukadzi vasati vatapurirwa HIV senzira yekuzvidzivirira kuchirwere ichi.
Vagari vakawanda vemuguta reMasvingo vanoti vari kutadza kubayiwa nhomba yeCoviid-19 sezvo isiri kuwanikwa muguta ravo.
Gurukota rinoona nezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, avo vari kuparura hurongwa hwekufambiswa kwemari yebhajeti hwepakati pegore kana kuti Mid-Year Fiscal Review nemusi weChina, vari kukurudzirwa kuti vatarisise nyaya yemagariro evanhu avhiringidzwa nechirwere cheCovid-19 icho chadzoka zvine hukas
Sangano revarairidzi reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, rinoti richakamirira mhinduro kubva kuhurumende pachikumbiro charo chekuti varairidzi vapiwe mari dzekutenga masaisai (data) kuitira kuti vakwanise kudzidzisa vana pamadandemutande panguva ino yeCovid-19.
Mutambo wenhabvu warasikirwa nerimwe gamba zvichitevera kushaika kwaita Steve Kwashi uyo akatambira Zimbabwe Saints pamwe nekurairidza Caps United nemaYoung Warriors.
Rodhai zvimwe