Accessibility links

Breaking News

Inflation Yodzika Asi Hurombo Horamba Huri Munyika


Kukwira kwemitengo yezvinhu kana kuti inflation uko kwange kuri pazvikamu zvinodarika zana kubva muzana kwemakore maviri adarika kwave nani kunyange hazvo Zimbabwe ichiri panyika ina dzine mitengo yezvinhu iri kukwira zvakanyanyisa pasi rose.

Zimbabwe National Staistics Agency inoti Inflation muZimbabwe yadzika zvishoma kusvika pazvikamu makumi mashanu nezvitanhatu nezviga zviviriu kubva muzana kana kuti 56,2% mwedzi uno, zvichienzaniswa nezvikamu zana nezvitanhatu nezviga makumi matanhatu nezvina kubva muzana kana kuti 106, 64%.

Pachitariswa nyika dziri kurwisa nyaya yekukwira kwemitengo yezvinhu iyi, Zimbabwe iri kumashure kweVenezuela, Sudan neLebanon. muSADC, Angola iri pachidanho chepfumbamwe, Zambia iri pachidanho chegumi.

Vachinyora padandemutande ravo reTwitter, mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakati vari kutambira nemufaro kudzika kweinflation uku vachiti munongedzo wekuti remangwana renyika rakajeka.

Asi nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, Muzvinafundo Gift Mugano, nemukuru wesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Dr Godfrey Kanyenze, vanoti zvakakosha kuti gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, vatange kusungunura mimwe mitemo yavainge vadzika vachiyedza kugadzirisa hupfumi.

Vari kuvakurudzira kuendesa mari kumapazi edzidzo nehutano sezvo bhanga reWorld Bank rakaita ongororo yakaburitsa pachena kuti vanhu mamiriyoni manomwe nezviuru mazana mapfumbamwe 7,9 million vakatarisana nenzara inotyisa.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, VaVictor Bhoroma, vanoti nyaya yekushandiswa kwedhora rekuAmerica zvakanyanya ndiyo iri kupa kuti mitengo idzikame.

Hurukuro naVaVictor Bhoroma
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG