Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Vochema Steve Kwashi Aimborairidza Caps United


Vatsigiri veCaps United

Mutambo wenhabvu warasikirwa nerimwe gamba zvichitevera kushaika kwaita Steve Kwashi uyo akatambira Zimbabwe Saints pamwe nekurairidza Caps United nemaYoung Warriors.

Mwana waSteve Kwashi, Fungai, anoti baba vake vakashaya neMuvhuro mangawanani nechirwere cheCovid 19. Vange vave nemakore makumi matanhatu nemanomwe ekuberekwa.

Fungai anoti nechikonzero cherufu urwu vanhu havasi kuungana uyezve vari kutsvaga nzira dzekuradzika murairidzi uyu sezvakatarwa nemitemo.

Mhuri yenhabvu yatambira mashoko aya nekusuwa kukuru vachichema murairidzi uyu, uyo akaendesa Zimbabwe Under 20 kumafainari eAfrica Youth Championships a1999.

Frank Nyamukuta uyo akarairidzwa naKwashi kuCaps United muna 1996 anoti arwadzikana zvikuru.

Kwashi akatambira Zimbabwe Saints ndokuzoita mukurumbira semurairidzi apo akatora mukombe weligi, weBP League Cup, Charity Shield neIndependence Trophy neCaps United muna 1996.

VaWellington Chando avo vaive mumwe we vatungamiri veCaps United vanoti Kwashi munhu aiziva zvanhabvu.

VaTwine Phiri avo vaive muridzi weCaps United kwemakore akawanda vanoti Kwashi aive neziso raiziva tarenda renhabvu kudarika varairidzi vese muZimbabwe.

Aimbove sachigaro weDynamos VaSimon Makaza vanoti Kwashi munhu aiziva basa rake zvaipa kuti vazeze kana achirairidza.

Mutauriri weZifa VaXolisani Gwesela vanoti sangano ravo rarasikirwa zvikuru vachiti zvakaitwa naKwashi zvicharamba zviri mundangariro dzevakawanda.

Dumisani Mpofu uyo akawana mukana wekutambira maWarriors achirairidzwa naKwashi anoti arwadzikana zvikuru nezvaitika izvi .

Asati aenda Kumakepekepe, Kwashi muna 1992, akatora mukombe weligi neBlack Aces, gore iroro akatambidzwa mukombe wekuva murairidzi akakunda vamwe vose kana kuti Coach of the year.

Rufu rwaKwashi rwauya nhabvu muZimbabwe ichiri mukuchema kushaika kwevakambotambira Dynamos David Mandigora naMisheck Chidzambwa. Kwashi akamboitawo tsaona yemumugwagwa inotyisa muna 2001 yakamusiya aremara.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG