Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inobvuma Kuti Yaremerwa neHuwandu hweVanhu Vari Kuda Kubayiwa Nhomba yeCovid-19


Parirenyatwa Hospital spokesman, Linos Dhire
Parirenyatwa Hospital spokesman, Linos Dhire

Hurumende yabvuma nhasi kti yave kukurirwa nehuhwandu hwevanhu vari kuda kubaiwa nhomba yekudzivirira Covid-19.

Vachipa humbowo maererano nemafambiro ari kuita chirongwa chekubaya vanhu nhomba yeCovid-19 kuparamende, munyori mubazi rehutano, Dr Jasper Chimedza, vati zvipatara nemakirinika zvave kuremerwa sezvo zvichifanirawo kurapa zvimwe zvirwere zvisiri Covid-19.

Vati nekuda kwaizvozvo vave kuda kuti vese vanokwanisa bubatsira kubaya vanhu nhomba yeCovid-19 vapihwe mukana wekuita izvi vachiti hurumende yakatotambira chikumbiro chavo ichi.

Dr Chimedza vati masangano nemakarinika anoshanda akazvimirira pamwe nevamwe vanoda kupinda muchirongwa ichi vanokwanisa kuita izvi chete vachiongororwa nebazi ravo uye vanofanira kunyoresa mumahofisi ebazi ravo mumatunhu ese munyika.

Dr Chimedza vatiwo nekuda kwekukwira kuri kuita huwandu hwevanhu vari kubatwa nekurwara neCovid-19, vashandi muzvipatara vari kuremerwa uye bazi ravo rave kutsvaga vakoti nevamwe vashandi vakasiya basa kuti vazobatsira muzvipatara nemakirinika.

Vakurudzirawo paramende kuti ivabatsire kutsvaga mari nezvimwe zvinodiwa kuitira kuti vakwanise kufambisa zvirongwa zvavo zvekubaya vanhu zvakanaka mumatunhu ese munyika.

Mutungamiriri wesangano rinomirira machiremba anoshanda akazvimirira, Dr Johannes Marisa, vaudza Studio 7 kuti danho ratorwa nehurumende rakanaka chose vachiti richaderedza mitsetse muzvipatara zvehurumende nemakanzuru.

Vakambove gurukota rezvehutano panguva yehurumende yemubatanidzwa, Dr Henry Madzorera, vaudza Studio 7 kuti danho ratorwa nehurumende rakanaka uye ndiro richaita kuti nyika ikwanise kubaya vanhu vayakaronga kubaya kudzvirira kupararira kweCovid-19.

Dzimwe nhengo dzeparamende hadzina kufara kuti kumaruwa makirinika ari kure nevanhu izvo zvinoita kuti vanhu vasabaiwe nekukasika.

Asi VaChimedza nechikwata chavo vati dunhu rega rega munyika rine nechikwata chinofamba chichibaya vanhu munzvimbo dziri kure nemakirinika uye mamwe matunhu makuru ane zvikwata zviviri zviviri.

Vati kunyange hazvo vanhu vakambotanga vachiramba kubaiwa parizvino vanhu vave kuita chamurambamhuru vakananga kuzvipatara zvekuti vamwe vave kutotadza kubaiwa.

Nezuro vanhu zviuru zviviri nemakumi mashanu vakabatwa neCovid-19, ukuwo vanhu makumi manomwe nemavapfumbabwe vakafa nedenda iri.

Vanhu zviuru makumi matatu nezvina nezana nemakumi mashanu nemumwe, 34 151, vakabaiwa nhomba yekutanga nezuro, izvo zvakasvitsa huwandu vabaiwa nhomba yekutanga pa miriyoni imwe chete nezviuru mazana mana nemakumi mapfumbamwe nehimwe nemazana mana nemakumi mapfumbamwe nevatatu, 1 491 493.

Vanhu zviuru zvinomwe nezana nemakumi mashanu nevatanhatu, 7 156, vakabaiwa nhomba yepiri nezuro, izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vabaiwa nhomba iyi pazviuru mazana matanhatu nemakumi masere nezvinomwe nemazana maviri negumi nevatanhatu, 687 216.

Hurumende inoti ine hurongwa kwekubaya vanhu mamiriyoni gumi kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana zvevanhu vese munyika senzira sekudzivirira kupararira kwedenda reCovid-19.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG