Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yokurudzirwa Kuendesa Mari kuVanhu Vanonzi neWorld Bank Vari Kurara Vasina Kana Kudya


Gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube
Gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube

Gurukota rinoona nezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, avo vari kuparura hurongwa hwekufambiswa kwemari yebhajeti hwepakati pegore kana kuti Mid-Year Fiscal Review nemusi weChina, vari kukurudzirwa kuti vatarisise nyaya yemagariro evanhu avhiringidzwa nechirwere cheCovid-19 icho chadzoka zvine hukasha chichisiya vakawanda vasina chekubata.

Gurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, vakatozivisa vatori venhau kuti dare remakutukota rakatotambira hurongwa hwaVaNcube.

Asi nekuda kwekuti nyika yatarisana nechirwere cheCovid-19, dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti dziri kutarisira kuti vawedzere mari yebhajeti kurwisa chirwere chiri kupararira zvinotyisa chichisiya vakawanda vachinonga svozve nemuromo.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, Muzvinafundo Gift Mugano, vanoti zvakakosha kuti VaNcube vanyevenutse chirongwa chavo chekuti vanhu vasunge mabhande kana kuti fiscal policy chekuti hurumende iiendese mari shoma kuzvirongwa zvakaita sedzidzo, hutano nezvimwe kuti ideredze mari yainoshandisa.

Muzvinafundo Mugano vanoti hupfumi hwati dzikamei nekudaro hurumende inofanira kusimudzira magariro evanhu vari kunzi neWorld Bank zvikamu makumi mana nezvipfumbamwe kubva muzana vakatarisana nenzara inotyisa.

Mashoko ekuti vakawanda vari kunonga svosve nemuromo atsinhirwa nemukuru wesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Dr Godfrey Kanyenze, vachiti kuipa kwezvinhu kwave kuwedzerwa nekushaikwa kwemabasa zvakonzerwa nekupararira kwechirwere cheCovid-19..

Mutungamiri wesangano revashandirwi reEmployers Confederation of Zimbabwe, Dr Israel Murefu, vati vari kutarisira kuti hurumende ivarerutsire pamitero yavanobhadhara

Asi munyori mukuru wesangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions, VaJaphet Moyo, vanoti hapana zvizhinji zvavari kutarisira kubva kuna VaNcube sezvo zvirongwa zavo zvisingasimudzire vashandi.

Vapa semuenzaniso mari shoma dziri kutambiriswa vashandi uku zvinhu zvichidhura.

Gore rapera, VaNcube, avo vanoti hupfumi huri kufamba zvakanaka sezvo vaine mari inodarika mabhiriyoni mapfumbamwe parutivi, vakaparura hurongwa hwemari yebhajeti inosvika mabhiriyoni mazana mana nemakumi maviri nerimwe emadhora emunyika, kana kuti $Z421 billion.

Vakati vanotarisira kuti hupfumi huwedzere nezvikamu zvinodarika zvinomwe kubva muzana kana kuti 7,4% kunyange hazvo vanopikisa nedzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachiti zvinonetsa nekuda kwechirwere cheCovid-19 chovhiringidza mabhizimisi pasi rose.

Studio 7 haina kukwanisa kubata VaNcube sezvo vanzi vange vari mudare remakurukota.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG